Zanu PF Inoshoropodza Mashoko eSDAC neMamwe Masangano Akaongorora Sarudzo eKuti Sarudzo Hadzina Kufamba Zvakanaka

Mutauriri weZanu PF, VaChristopher Mutsvangwa

Bato reZanu PF rati mashoko abuditswa nevaongorori vesarudzo vekudunhu reSADC neveEuropean Union, ekuti sarudzo dzakaitwa mazuva maviri adarika hadzina kuitwa nemazvo, ndeemugotsi matsuro uye hariatambiri.

Vachitaura kuvatori venhau nhasi pamuzinda webato ravo muHarare, mutauriri webato iri VaChristopher Mutsvangwa vati mukuru wevaongorori vesarudzo vakauya muZimbabwe vakamirira SADC, VaNervers Mumba, vanofanira kupeta muswe, sezvo vava kutora basa risiri ravo.

“Tiri kukumbirawo kuti VaMumba vasarasike semukuru wemubatanidzwa wenyika gumi neina. Pfungwa dzavo handidzo dzine bas chete, asi dzevamwe vavowo. Ivo vamwe vavowo varikuti havawirirani nezvavataura. Uyezve, haisi kodzero yavo yekuda kunyora mitemo inechekuita nesarudzo muno, kana kuti kuda kuchinja bumbiro redu remitemo.”

Vaongorori vesarudzo veSADC

VaMutsvangwa vatiwo VaMumba vane hushamwari nemutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa, zvavati zvinogona kunge zvakonzeresawo kuti vataure mashoko avatura nhasi, uyewo vavapomera mhosva yekutaura zvemusoro wavo, kwete muono wechikwata cheSADC chiri kuongorora sarudzo.

Asi mutauriri mutsva webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaPromise Mkhwananzi, vanoti vaongorori veSADC neEuropean Union vabaya dede nemumukanwa.

“Zvinoratidza kuti SADC yabva zera, yashanduka uye yava kuda kuti nyika dziri kuzasi kweAfrica dziende mberi. Saka tinotambira mashoko ekuti sarudzo haina kufamba zvakanaka, izvo zvatagara tichitaura sebato, kuti dzanga dzisina kujeka zvachose. Mamwe masangano adzamba-dzamba pakutaura kwavo, asi vazhinji vabuda pachena kuti hazvina kufambiswa zvakanaka.”

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vakazvimirira, VaLuke Chitsike, vanoti masangano anoongorora sarudzo aya ananga nemo nemo.

“Maitirwo aitwa sarudzo rwendo rwuno, anosvodesa. Zvaitozoshamisa dai tawana vaongorori vati zvese zvanga zvakaringana. Saka SADC yataura chokwadi, uye kuonawo sangano rakadai rava kusvika pakutura mashoko ekuti sarudzo hadzina kuitwa zvakanaka, kanova kekutanga munhoroondo yesarudzo muno, zvinoratidza kuti bamboedza kutsvaga zvakanaka, asi vazvishaya.”

Mukuru wechikwata cheCommonwealth, Amai Amina Mohammed

VaLazarus Sauti, avo vanoongororawo zvematongerwo enyika, vati maitirwo esarudzo mwaka uno, asiya mibvunzo yakawanda isina mhinduro.

“Kune vanhu vakawanda vaityisidzirwa kuti vavhotere rimwe bato, vamwe vachinyorwa mazita vachienda kunovhota, zvinova zvaizoita kuti vagone kuvhotera vanhu vavainge vasingadi. European Union, yataurawo kuti ZEC ine zvakawanda zvaisina kuita nemazvo pasarudzo idzi, zvinozoitawo kuti kunyange nezvichabuda madziri, zvinetse vakawanda kutambira.”

Asi VaMutsvangwa vati Zimbabwe haiiti zvinhu kuitira kufadza dzimwe nyika, asi zvizvarwa zvayo.

“Kuita sarudzo muno, kuda kwedu sevana veZimbabwe. Hatina anotiudzira kuti tiite hurumende yejekerere. Saka hakuna nyika ine mvumo yekuitiudzira kuti tiite sarudzo dzedu sei, nekuti hatiitiri ivo, tinozviitira isu tega.”

Mamwe masangano akauya kuzoongorora sarudzo, abuditsa magwaro awo pamusoro pemaitirwo esarudzo ndeeAfrican Union, COMESA, The Carter Centre neCommonwealth.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Tobias Mudzingwa