Muzinda weAmerica muZimbabwe Unorumbidza Vana veZimbabwe neKuvhota muRunyararo Kunyange Vakasangana neZvimhingamipinyi

  • Jonga Kandemiiri
Muzinda weAmerica muZimbabwe

Muzinda weAmerica muZimbabwe

Muzinda weAmerica muZimbabwe warumbidza vana veZimbabwe uchiti vamwe vakasangana nezvimhingamipinyi pamwe nekunonoka kutanga kwesarudzo, asi vakakwanisa kushandisa kodzero dzavo dzekuvhota musarudzo musi wa Nyamavhuvhu 23 na 24.

Mumashoko awaburitsa, muzinda uyu wati kunyange hazvo mazuva esarudzo aive nerunyararo, hurongwa hwesarudzo hahuna kuzadzisa zviga zvedunhu nepasi rose zvinosunga sarudzo.

Muzinda uyu wati unobatwawo nekushushikana kwaratidzwa neSADC nemamwe masangano ekunze akaongorora sarudzo.

Wati gwaro remafambiro akaita sarudzo reSADC rekutanga raburitswa musi wa 25 Nyamavhuvhu rakaratidza kuti sarudzo dzakakundikana “kuzadzisa zvinodiwa nebumbiro reZimbabwe, mutemo wesarudzo weElectoral Act, nezviga zveSADC zvinobata mafambisirwo esarudzo zva 2021, kana kuti SADC Principles and Guidelines Governing Democratic Elections (2021).”

Muzinda uyu watiwo unoshushikana nekusungwa kwevashandi vemasangano akazvimirira avo vaunofunga kuti vaiita basa ravo vachitevera mafambiro esarudzo ari pamutemo, vasina divi ravakarerekera.

Gwaro iri rati vana veZimbabwe vakaratidza kugadzikana uye hushingi apo vaizadzisa kodzero dzavo dzekuvhota, uye wakurudzira ZEC kuti iunganidze nekuzivisa zvabuda musarudzo nenguva inobvumirwa pamutemo.

Muzinda weAmerica wakurudzirawo vose vane chekuita nesarudzo kuti vamirire murunyararo apo ZEC ichazivisa zviri pamutemo zvinenge zvabuda musarudzo, uye wakurudzirawo vanenge vaine zvichemo kuti vazvitevere nenzira kwadzo.