Paita bata murefu bata mupfupi nhasi masikati muHarare apo mapurisa anga asiri mumbatya dzebasa amboedza kurambidza bato reCitizens Coalition for Change (CCC), kuita musangano waro nevatori venhau.
Mapurisa aya, ayo anga ari varume vashanu, asvikobvutira mutauriri mutsva webato iri, VaPromise Mkhwananzi, mapepa avanga vachiverengera vatori venhau vachivarondedzera kusafamba zvakanaka kwakaita sarudzo dzegore rino.
Vatori venhau pamwe chete nevamwe vatungamiri veCCC vanga vari pamusangano uyu vaedza kubvunza varume ava kuti vanga vabvepi uye kuti ndavanaani, asi hapana mhinduro yavawana.
Mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vabvuma kuti vanhu ava vanga vari mapurisa zvechokwadi uye vanga vachida kusunga VaMkhwananzi.
“Ichokwadi kuti mapurisa edu ndiwo asvika panga pachiitwa musangano uyu. Vanga vachida kusunga VaMkhwananzi sezvo vakanzi nematare, vasungwe nekuda kwemhosva yavakapara mugore ra2020.”
Mushure mekunge varume ava vaenda, VaMkhwananzi vazoenderera mberi nemusangano wavo vachiti zvamboitika izvi mabasa evanhu vasingadi kuona sarudzo dzichifambiswa nemutowo wakanaka.
“Kufunga kwedu, vanhu vasingadi kuti chokwadi chaicho chakabuda musarudzo chibude, ndivo vaita izvi. Havadi kuti rusununguko rwekutaura vanhu vakasununguka rwuveko. Vanga vachida kundipamba asi tinotenda Mwari kuti izvi zvakona.”
Gweta riri kumirira mutungamiri webato reCCC, VaNelson Chamisa musarudzo dzino, Advocate Charles Kwaramba, vaudzawo Studio 7 donzvo radaidzirwa vatori venhau kumusangano uyu.
“Isu tanga tauya kuzoudza vanhu kuti tiri kutarisira kukunda zvakanakisa chose pasarudzo dziri kuuya, kunyange dzanga dzisina kuitwa nenzira kwayo. Hatina kuuya kuzotaura zvakabuda musarudzo, sezvo risiri basa redu asi reZEC, asi tangoti tizivise vatsigiri vedu kuti zvatiri kuona matiri kufamba, zvinoratidza kukunda.”
Bato reZanu PF nemusi weChina rakaita musangano waro nevatori venhau apo rakashoropdza mamwe masangano aiongorora sarudzo uyo usina kuparadzwa nemapurisa.
Vachibvunzwawo pfungwa dzavo pane zvaitwa nemapurisa izvi, vakafanobata chigaro chemushandi mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira, vati sezvo bato ravo risina chekuita nechiitiko iyi, harina han’ya nazvo.
“Isu sebato reZanu PF, hatinei nezvinoitika pakati pavaMkhananzi nemapurisa. Ngavapedzerane ikoko. Asi tinoti mutemo ngautevedzerwe, kana ivo VaMkhananzi vasinamhosva, ngavazviendese kumapurisa vonozvichenura, kwete kuenda paTwitter.”
Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaElton Ziki, vanotiwo anenge apara mhosva anofanirwa kusungwa.
“Vanhu havafaniri kungovimba zvese zvavanoona paSocial media, asi vanofanira kuziva nyaya yese kuti vanyatsonzwisisa. Promise Mkhwananzi anga agara achitsvagwa nemapurisa uyu, saka zvaitika apa, hazvinei nekuti anga achitaura nevatori venhau, uye kuti anga achida kupambwa. Anoziva vanhu vanga vachimutsvaga uye nemhosva yake anoiziva.”
Asi gweta, uye vachiongororawo zvematongerwo enyika, Amai Jacqueline Sande, vanoti mapato ezvematongerwo enyika anofanira kuwaniswa mikana yakaenzana yekushambadza mashoko avo kubudikidza nevatori venhau.
“Zvaitika izvi zvinogona kubuda sekuti pane mamwe mapato ezvematongerwo enyika anenge achitadziswa kutaura nevatori venhau, asi handizvo zvinofanira kunge zvichiitika. Hutongi hwejekerere hunoda kuti ruzhinji rwukwanise kuziva zviri kutaurwa nemapato ese ezvematongerwo enyika, kubudukidza nekutura mashoko avo nevatori venhau.”
Paitika chiitiko chekumisa CCC mukutura mashoko kuvatori venhau ichi, munyori webazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vanyora padandemutande ravo re X, iro raimbonzi Twitter, vachishora bato rinopikisa vachiti riri kuita zvemadhirama senzira yekuda kuonekwa, kunyange hazvo mapurisa eZRP ari iwo akonzeresa nyonganyonga iyi.
Your browser doesn’t support HTML5