Mutungamiri weZanu PF, VaMnangagwa, Vanonzi neZEC Ndivo Vakunda muSarudzo yeMutungamiri weNyika

  • Jonga Kandemiiri

Sachigaro veZEC, Justice Priscilla Chigumba

Sachigaro veZimbabwe Electoral Commission, ZEC, Justice Priscilla Chigumba, vazivisa kuti mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, ndivo vakunda musarudzo yemutungamiri wenyika mushure mekuwana mavhoti mamiriyoni maviri nezviuru mazana matatu nemakumi mashanu ane mazana manomwe negumi nerimwe, kana kuti 2 350 711.

VaNelson Chamisa veCitizens’ Coalition for Change, kana kuti CCC, vanzi vawanawo mavhoti anoita miriyoni imwechete nezviuru mazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu nechimwe nemazana matatu ane makumi mana nematatu, kana kuti 1 967 343.

VaEmmerson Mnangagwa, (kurudyi)

Izvi zvinoreva kuti VaMnangagwa vawana mumwe mukana wekutungamira nyika kwemamwe makore mashanu nekuwana kwavaita zvikamu makumi mashanu nezviviri nezviga zvitanhatu kubva muzana, kana kuti 52.6 percent,zvemavhoti ose, VaChamisa vachiwanawo zvikamu makumi mana nezvina kubva muzana, kana kuti 44 percent.

Vamwe vapfumbamwe vakakwikwidzawo musarudzo yemutungamiri wenyika vanonzi neZEC vagovana zvikamu zviviri kubva muzana, kana kuti 2 percent zvemavhoti ose akakandwa.

Asi vari kumirira VaChamisa musarudzo iyi, kana kuti election agent wavo, anonzi aramba kusaina achitambira zvabuda musarudzo izvi.

Bato reZanu PF rawanawo zvigaro zana nemakumi matatu nezvitanhatu, 136, CCC ichiwana zvigaro makumi manomwe nezvitatu, 73, musarudzo yenhengo dzeparamende.

VaNelson Chamisa

Kukunda kwaVaMnangagwa kuri kuuya panguva iyo vamwe vakaongorora sarudzo vanoti SADC, African Union, Commonwealth, European Union neCarter Center, uyewo muzinda weAmerica muZimbabwe vari kuti sarudzo dzemuZimbabwe dzakaitwa nenzira isingatambirwe nemitemo yesarudzo pasi rose.

Bato reZanu PF riri kupomerwawo mhosva yekushanda nesangano rinonzi rinotungamirwa nevasori, reFAZ, mukushungurudza nekumanikidza vanhu kuti varivhotere, zvikuru kumaruwa, kunyange hazvo FAZ neZanu PF vachiramba kuti vaishungurudza vanhu.

Ukuwo, mapurisa ari kupomerwawo mhosva yekurambidza mimwe misangano yeCCC mune mamwe matunhu kunyange achirambawo kuti haana bato raanotsigira.

Dzimwe sarudzo dzave kuzotarisirwa kuitwa zvakare muna 2028.