Mutungamiri wenyika akamirira kugadzwazve pachigaro VaEmmerson Mnangagwa varamba nhasi kuti sarudzo dzakabirirwa zvemhando yepamusoro sezviri kutaurwa nevanopikisa.
Asi mutungamiri webato rinopikisa reCCC VaNelson Chamisa vanoti sarudzo dzakabirirwa zvisina mukare akamboona.
Vachitaura kuState House kuHarare, VaMnanagwa vati vanenge vasina kugutsikana nezvakabuda musarudzo vanofanira kuenda kumatare.
VaMnangagwa vatiwo, “Tisu takarwa hondo kwemakore gumi nematanhatu kuti vanhu vawane kodzero yekuvhota.” Vaenderera mberi vachiti, “Sevanhu vemuZimbabwe, taratidza kuti tinoziva zvehutongo hwejekerere. Tinotevedzera bumbiro remitemo.”
Komisheni inoona nezvesaruzo yeZimbabwe Electoral Commission yakazivisa nezuro kuti VaMnangagwa vainge vakunda musarudzo yemutungamiri wenyika nezvikamu zvinodarika makumi mashanu nemaviri kubva muzana kana kuti 52,6%.
ZEC inoti VaChamisa vakaita mavhoti zvikamu makumi mana nemana kubva muzana kana kuti 44%.
Vemasangano akaita seSADC, Commonwealth, EU, nenyika dzakaita seAmerica neBritain vanoti sarudzo hadzina kuitwa dzichitevedzera bumbiro remutemo weZimbabwe kana zvinotarisirwa pasi rose.
Asi VaMnangagwa vanoti vari kushora sarudzo vari kuda kuzvipa masimba avasina.