Munyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres vanoti vari kushushikana zvikuru nekusungwa kwevaongorori vesarudzo muZimbabwe kubva kumasangano akazvimirira oga uye nyaya yekutyisidzirwa kwevavhoti.
Vaongorori veZESN neERC vakambosungwa nemapurisa vachinzi vaida kuburitsa zvainge zvabuda musarudzo zvisati zvazivikanwa neZEC.
Mumashoko kuvatori venhau, mumwe mutauriri wesangano reUnited Nations Amai Florencia Soto Niño vati VaGuterres vakaisa ziso ravo paZimbabwe.
Amai Soto Nino vati VaGuterres vari kukurudzira vezvematongerwo enyika muZimbabwe kuti vaite zvemhirizhinga uye kuona kuti kodzero dzevanhu dzaremekedza uye mutemo watevedzerwa.
Vatiwo vezvematongerwo enyika vanofanira kugadzirisa makakava murunyararo. Vatiwo vematare vakapirwa nyaya havafanire kutema vakarerekera rimwe divi.
Vati sarudzo dzinofanira kuburitsa zvido zvevanhu. Zimbabwe yakaita sarudzo dzakanzi neSADC, African Union, EU, America nedzimwe nyika hadzina kufambiswa zvakanaka.