Bato guru rinopikisa muBotswana reUmbrella for Democratic Change kana kuti UDC riri kukurudzira sangano reSADC kuti riite musangano wechimbichimbi wevatungamiri venyika kuitira kuti vagadzirise gakava rezvakabuda musarudzo dzakaitwa muZimbabwe idzo dzisina kuremekedzwa nemasangano akawanda.
Bato iri rinoti musangano uyu unofanirwa kupindwa nemasangano anorwira kodzero dzevanhu muZimbabwe pamwe nevatambi vese vezvematongerwo enyika kuitira kuti vataurirane nechinangwa chekuita sarudzo itsva dzinoenderana nezviga zvesarudzo zvakatarwa mudunhu nepasi rose pamwe nemumbiro remitemo.
Mutauriri weUDC, VaMoeti Mohwasa vaudza Studio7 kuti sarudzo dzeZimbabwe dzinofanirwa kudzokororwa nekuti vanhu vaityityidzirwa nesangano reForever Associates of Zimbabwe kana kuti FAZ nemazuva ekuvhota.
Vatiwo kukunda kweZANU PF kuchaita kuti zvivarwa zveZimbabwe zvitizire munyika dzakapoteredza Zimbabwe.
Kurudziro iyi inoitika zvichitevera kuziviswa kwakaitwa neZimbabwe Electoral Commission kuti mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.
Asi izvi zviri kuramba kutambirwa netumungamiri weCitizens Colaition for Change, VaNelson Chamisa.
Vachipawo pfungwa dzavo, mutungamiri webato reBuild One South Africa, VaMmusi Maimane vati kuvandudzwa kwemutemo weCriminal Law Reform wakavandudzwa unozivikanwa nevamwe neremadunhurirwa kuti Patriotic Bill wakapa kuti kuve nekugedageda kwemeno kune vanopikisa pamberi pesarudzo.
Ukuwo mutungamiri webato rinopikisa muZambia, VaHarry Kalaba, vati zvakaitika kuZimbabwe zvinosekesa mbavha yakahwanda.
Asi vanozviti mukuru musangano reFAZ rinonzi rinodyidzana nevasori, VaKudakwashe Munsanka vanoti hapana chakakanganiswa nesangano ravo vachiti hakuna zvitsva zvavakaita nekuisa matafura pedyo nepaivhotera vanhu.
Murwiri wekodzero dzevanhu uye vari mukuru wezvirongwa muZimbabwe Network for Social Justice, VaTendai Mbofana, vati SADC ikasagadzirisa zvinhu munyika zvinoreva kuti kuchakuyiwa nyemba nemusana muZimbabwe kwemakore mashanu anotevera.
United Nations yakazivisa nezuro kuti haisi kufara nemafambisirwo akaitwa sarudzo muZimbabwe.
Mamwe masangano akabuda pachena kuti zvinhu hazvina kufambiswa nenzira dzinokodzera anosanganisira SADC, African Union, Commonwealth, European Union, Carter Center nemamwe.
Your browser doesn’t support HTML5