Wechidiki wemuZimbabwe ange ari muchirongwa chegore rino cheMandela Washington Fellowship For Young Africa Leaders kana kuti YALI VaCalvin Manika vanoti kuva muAmerica pasi pechirongwa ichi kwakavabatsira zvikuru.
VaManika vari kushanda nemakambani enhau muWashington DC uye vanoti vari kudzidza zvizhinji munyaya dzekutorwa kwenhau nekushandiswa kwenzira dzechizvino zvino mukutepfenyura nhau.
Vanoti izvi zvarodza pfungwa dzavo zvichavabatsira kukambani yavanoshandira yeThe Besana Mail iri kuHwange.
Kunyangwe vamwe vakawanda vakauya kuAmerica pasi pechirongwa cheYALI vakadzokera kumusha, VaManika vanoti vachadzokera nemusi weMugovera.
"Ndiri kushanda nedzimwe nhepfenyuro dziri muguta reWashington DC dzakwanisa kundipa hunyanzvi hwandange ndisina zvikuru panyaya yekushandiswa kwenzira dzechi zvino zvino munyaya dzenhau." Vaenderera mberi vachiti, " Ndadzidza zvakare kuti zvakakosha kuti vana vechidiki vatino shanda navo vakwanise kutaura nhunha dzavo nemanzwi avo ivo zvinoitwa zvikuru muno muAmerica umo vanhu vese vachipihwa inzwi zvisina kuti vabva mumba maanai. "
Your browser doesn’t support HTML5