Pane kutyirwa kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvinogona kunge zviri pakati pevanhu vanodarika makumi manomwe vanonzi vafa mutsaona yemoto waparadza chivakwa chemuturikidzwa, cheUsindiso chiri muMarshalltown muguta reJohannesburg muSouth Africa mambakwedza.

Usindiso Building, Johannesburg.
Vamwe vane chitsama vanonzi vakuwarawo muchiitiko chinonzi chaparadza chivakwa change chichigara veruzhinji vanobva kunze kweSouth Africa, kusanganisirawo zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi.
Mapurisa nevanodzimura moto vanonzi vanga vachiri kutsvaga chingadai chakonzera moto uyu.

Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa.
Vanhu vanga vachigara muchivakwa ichi vanonzi vanga vachigara zviri kunze kwemutemo, uye vakawanda vavo vanga vari vanhu vasina pekugara.
Mutungamiri weSuth Africa, VaCyril Ramaphosa, vanonzi vashanyira nzvimbo yaparadzwa nemoto iyi, uye vatumirawo mashoko ekunyaradza mhuri dzarasikirwa nehama mutsaona iyi.
Mumiriri weZimbabwe kuSouth Africa, Ambassador David Hamadziripi, vanoti vashandi vekumahofisi avo emuJohannesburg vari kushanda nemapurisa kuti vaone kana paine zvizvarwa zveZimbabwe zvingadai zviri pavanhu vashaya kana kukuvara.
Mumiriri weZimbabwe kuSouth Africa, VaDavid Hamadziripi
Ukuwo, sachigaro vesangano rinomirira zvizvarwa zvekunze kweSouth Africa, reAfrica Diaspora Global Forum, Doctor Vusumuzi Sibanda, vatiwo mashoko avanga vatambira kusvika panguva yataenda pamhepo anga achinongedza kuti pane zvizvarwa zveZimbabwe zvingangosvika kugumi zvashaya uye zvimwe zvakuvara mutsaona iyi.
Your browser doesn’t support HTML5
Hiurukuro naAmbassador David Hamadziripi
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro Na DR Vusumuzi Sibanda