Apo veCCC Vari Kuti Sarudzo Dziitwe Patsva, veZanu PF Vanoti Matare eNyika Ndiwo Chete Ane Masimba Iwayo

  • Jonga Kandemiiri

Nhengo dzeCCC muHarare.

Apo nyika iri kubvunura kubva musarudzo dzakaitwa neChitatu svondo rapera, bato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, CCC, riri kukurudzira kuti zvakabuda musarudzo idzi zviraswe, kuitwe dzimwe sarudzo itsva dzinotungamirwa neSADC pamwe neAfrica Union.

CCC iri kuti sarudzo dzakakundwa neZanu PF nemutungamiri wayo, VaEmmerson Mnangagwa, dzakanga dzisina kufambiswa zvakanaka neZimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC, uye dzakabiridzirwa zvemhando yepamusorosoro.

CCC iri kusimbiswawo nemagwaro akaburitswa nevemasangano akaongorora sarudzo anosanganisira SADC neAfrica Union, avo vakashoropodzawo mafambisirwo akaitwa sarudzo neZEC, vachiti hadzina kutevedzera bumbiro remitemo yenyika pamwe nemitemo inobata sarudzo pasi rose.

Imwe nhengo yeCCC, VaTino Mambeu, vanoti vakaona nemaziso avo ruoko rweZanu PF mukufambiwa kwebasa neZEC, vachipa muenzaniso wekunonoka kuendeswa kwemagwaro ekuvhotesa mumatunhu anozivikanwa kuti aive nevatsigiri vebato ravo.

Vanotiwo vakaona kushungurudzwa kwevanhu nenhengo dzeZanu PF pamwe neFAZ, vachiti vamwe vanhu vainzi havakwanise kunyora kuitira vanyorerwe nevanoisa runyoro rwavo paZanu PF.

Asi nhengo yeZanu PF, Doctor Masimba Mavaza, vanoti CCC iri kureswa nekuda kutanga kufamba isati yakambaira, vachiti sarudzo itsva munyika dzinoitwa chete kana bato rinopikisa iri raisa humbowo kumatare edzimhosva, anove ane masimba ekushevedzera sarudzo itsva, kwete masangano eSADC neAfrican Union.

Vachipindurawo, VaMambeu vanoti zvinonetsa kuti vamire nematare vachiti VaMnangagwa vakatomboganza kuti zvese zviri mumaoko avo, nekudaro havaoni kuine chinobuda ikoko.

Izvi zviri kuuyawo apo hurumende yakazivisa neChitatu kuburikidza negwaro reGovernment Gazette mazita evose vakabudirira musarudzo kusanganisira dzemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Dzimwe nyanzvi mune zvemitemo dzinoti bato reCCC rine mazuva manomwe chete ekupikisa zviri pamutemo kubva pazuva rakaziviswa zvakabuda musarudzo, zvichireva kuti kusvika neMugovera uno.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Masimba Mavaza naVaTino Mambeu