Zvizvarwa zveZimbabwe zvitanhatu zvinofungidzirwa kuti zviri pakati pevanhu makumi manomwe nevatanhatu, kusanganisira vana gumi nevaviri, vakafa nemusi weChina mutsaona yemoto unotyisa wakaparadza chivakwa chemuturikidzwa cheUsindiso muJohannesburg, South Africa.
Mumiriri weZimbabwe muSouth Africa, VaDavid Hamadziripi, vaudza Studio 7 parunhare kuti tsvagiridzo iri kuitwa nehofisi yavo kubva nemusi weChina yaburitsa pachena kuti pane zvizvarwa zveZimbabwe zvitanhatu zvakatsakatikira mutsaona yemoto.
“Chikwata chedu chekuConsulate chakaenda panzvimbo pakaitikira tsaona iyi vakataurawo nevamwe vekuZimbabwe vakapona mutsaona iyi, ndivo vaitaura kuti tine vamwe vatanhatu vatisiri kuona asi hatizivi kuti chii chakaita kwavari.”
Vati huwandu hwevakafa hungangowe hunopfuura kana kuve pasi pehuri kuzivikanwa sezvo vamwe vevakashaya mutsaona kiyi vachinzi vakatsva zvakaipisisa zvekusazvikanwa kuti ndavanaani.
VaHamadziripi vazivisawo kuti kune zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kurapwa muzvipatara zvakasiyana siyana muJohannesburg imomo zvine hupenyu huri munjodzi sezvo zvakatsva zvakaipisisa.
Vavimbisawo kuti hofisi yavo ichaita zvese zvainogona mukubatsira vakashaya nevakakuwara pamwe neavo vakapona mutsaona iyi, kunyange hazvo vasina kujekesa kuti vachabatsira nenzira dzipi?
Mumwe muzvinabhizinesi anobva kuZimbabwe ane kambani inoita zvekuchengetedza nekutakura vafi, yeGreat Hope Funeral Services, VaMoreboys Munetsi, vanoti nzvimbo yanga ichigarwa nevanhu ava yanga isina kumira zvakanaka.
"Vanhu vazhinji vanogara ipapo vanhu vanenge vachitoremerwa nehupenyu muno muSouth Africa. Saka ukaona kuti vangakwanise kubhadhara mari ingasvika zviuru makumi maviri zvemarandi emuSouth Africa kuti chitunha chiyendeswe kumusha unotoona kuti vanhu vacho vane zvikwanisiro zvekuunganidza mari yacho, hazvikwanisike.”
Vatiwo kambani yavo yazvipira kubatsira kuendesa vakafa vose kumisha yavo kuti vanovigwa nehama neshamwari dzavo zvine chiremera pasina mubhadharo, vachiti vatora danho iri sezvo vanhu vaigara muimba iyi vainge vachirarama nechamuka inyama, vachiti ruzhinji rwavo rwuri kudya nhoko dzezvironda.
“Takatotanga hurongwa hwekuvabatsira nezuro. Vamwe vacho takatovabatsira nechikafu tikavaendesera. Kune vana vanoenda kuchikoro, ndiri kutaura kune vasina kufa, takatotanga kuvabatsira nezvinodiwa kuti vadzokere kuchikoro.”
Kune avo vararama munjodzi iyi, VaMunetsi vaudza Studio7 kuti vachabatsirwa nepekugara, chikafu nezvekupfeka uye kubhadharira vana mari dzechikoro.
Mutungamiri wesangano rinorwira kodzero dzezvizvarwa zveZimbabwe reAfrican Diaspora Global Network, VaVusimuzi Sibanda vati zvinorwadzwa kuti vana veZimbabwe votsakatikira musango sezvo kwaberekera ingwe mumusha.
“Kana zvichirema muno muSouth Africa, zviri kutaridza kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kusarudza kugara muno nekuti vanokwanisa kuwana marandi mashanu and gumi vogona kutenga chikafu nevana vavo. Izvi havakwanise kuzviita kuZimbabwe. Hapana kana basa rinotooneka uyezve havagoni kuti vataure zvichemo zvavo. Vakataura zvichemo zvavo vanorohwa.”
VaSibanda vati chiitiko ichi chakafanira kuva chifundo kunyika dzepasi rose kune zvinoda kugadziriswa munyika.
Imba yakatsva iyi yaigara vanhu vaibva kune dzimwe nyika dzinosanganisira Zimbabwe, Malawi neTanzania, uye vanonzi vakapinda muchivakwa ichi zviri kunze kwemutemo.
Bazi reZimStat rakazivisa kuti kune zvizvarwa zveZimbabwe zvingangosvika miriyoni imwe chete zvinogara nekushanda muSouth Africa.
Pane vazivikanwa kuti ndevekupi vakashaya panonzi pane zviozvarwa zvekuMalawai makumi maviri.
Pane vakapona mutsaona iyi, vazhinji vavo vanonzi vakarasikirwa nezvinhu zvakakosha zvinosanganisira magwaro ekufambisa pamwe nemari.
Your browser doesn’t support HTML5