Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino taita hurukuro nemuimbi anorova nziyo dzechitendero achishandisa musambo weKanindo, Chantel Sithole, uyo ane dambarefu rake rechipiri raakabura gore rapera rine nziyo sere, rinonzi “Golden Glory," iro rinonzi riri kufadza vazhinji.
Chantel anoti akabatana nevamwe vaimbi vane mukurumbira vakaita saMark Ngwazi pakambo kanonzi "Torasa Muswe" nekamwe kanonzi "Kadhanzi keSvoto" kaakaimba naMai Titi.
Nziyo dzaChantel dzinobikwa nekambani yemurume wake yeMakumbe Productions.
Your browser doesn’t support HTML5
Muimbi anoti ane rutsigiro rukuru kubva kumurume wake nevatsigiri vake, zvaanoti zvinomupa manyawi.
Dzimwe nziyo dziri padambarefu iri dzinosanganisira, "Dendere", "Mhirizhonga", "Simomo", "Chengetedza Vabereki" "Sorry", "Nganganga" pamwe nekamwe ke Jiti kaakaimba nemumwe muimbi anemukurumbira, Baba Harare.
Pakushanda kwake nevamwe vaimbi, Chantel anoti, "Ndinotenda Mwari uye kwandiri zvinoshamisa. Izvi zvaratidza kunaka kwazvinoita kuita hukama nevamwe vaimbi nekuti vaimbi vazhinji, kusanganisira vandaisafungira, vakabvuma kushanda neni”.
Mimhanzi yake inowanikwa pamadandemutande eFacebook, Youtube kana pasi peMakumbe Productions kana kuti pezita rake, Chantel Sithole.
Tinokupai chimwe chirongwa chemagitare nemusi we Chishanu svondo rinouya. Kune vaimbi vanoda kuti titaure navo pachirongwa chedu pano pa studio 7 tibatei pa whatsapp nhamba dzinoti 001 202 465 031.
Your browser doesn’t support HTML5