Heath Streak Ochemwa seGamba muNyaya dzeMitambo

  • Michael Kariati

Heath Streak

Mhuri yemutambo wekiriketi iri mukuchema zvichitevera kushaika nhasi kweaimbove kaputeni nemurairidzi wechikwata cheZimbabwe, Heath Streak.

Mudzimai waStreak, Amai Nadine Streak vazivisa padandemutande ravo reFacebook kuti mutambi akaita mukurumbira uyu ashaika nhasi mangwanani mushure mekurwara kwenguva refu.

Streak ashaikira papurazi pake aine makore makumi mana nemapfumbamwe mushure mekurwara negomarara kwenguva yakareba.

Mukuru wekumahofisi eSports and Recreation Commission Muzvare Elleta Nengomasha vatsinhirawo vachiti nyika nemutambo wecricket pasi rose yarasikirwa zvikuru nekushaika kwaStreak uyo akamborairidza chikwata cheZimbabwe

Mumashoko kuvatori venhau, Muzvare Nengomasha vati SRC iri kubatana nemhuri yaStreak munguva ino yakaoma kudai.

Aimbove kaputeni weZimbabwe Cricket, Prosper Utseya uyo zvekare akatamba muchikwata chimwe chete naStreak anoti arwadzikana zvikuru nekushaikwa kwemutambi uyu.

Murairidzi wemutambo wekiriketi Edmore Mutetwa anoti Streak akabatsira zvikuru kusimudzira mutambo wekiriketi muZimbabwe.

Mumwe murairidzi wemutambo wekiriketi VaPeter Mashezha vanoti matambo yose, kwete wekiriketi chete yarasikirwa negamba.

Mutambi wegorofu asi ari mutsigiri wemutambo wekiriketi VaWellington Chando vanoti Streak aive munhu wevanhu

Streak mumazuva ake akasimudza mureza wenyika mudenga apo akatora mawiketsi mazana maviri negumi nenhatatu mumitambo yemaTests ne mazana maviri nemakumi matatu nemapfumbamwe mumitambo yezuva rimwe (ODI)

Aregedza kutamba, Streak akarairidza chikwata cheBangladesh neZimbabwe pamwe nezvikwata zvepamusoro-soro kuIndia zveKoljata Night Riders neRajkot.

Streak akazomiswa kuve nechekuita nemutambo wekiriketi neveInternational Cricket Council kwemakore manomwe mushure mekubatwa nemhosva yekuita zvehuori achifukura hapwa kune mageven’a aizonobheja.

Asi kunyangwe izvi zvakambomuzvibisa, vakawanda vanoti semunhu wenyama akambokanganisa asi akabata basa guru kusimudzira matambo uyu munyika. Zvekuradzikwa kwake hazvisati zvaziviswa