VaEmmerson Mnangagwa vatora mhiko yekutungamira nyika mushure mesarudzo dzakonzera mutauro munyika nepasi rose sezvo vaongorori vesarudzo munyika nekunze vari kuti ZEC yakakundikana basa. Asi vebato reZanu-PF vari kuti vakakunda zvisina mutauro. Izvi zvapa kuti paite ropa rakaipa pakati peZimbabwe nedzimwe nyika kusanganisira dzemuAfrica.
VaMnangagwa vatora mhiko yekuva mutungamiri wenyika, pamhemberero yauya vatungamiri venyika dzemuSADC vatatu chete pane gumi nevatanhatu vari mugungano iri.
Vauya vanoti VaCyril Ramaphosa vekuSouth Africa, VaPhilipe Nyusi vekuMozambique, naVaFelix Tshisekedi vekuDRC. Asi sachigaro weSADC VaJoao Lourenco vekuAngola naschigaro weSADC Troika VaHakainde Hichilema havana kuuya kunyangwe vange vakokwa.
Vamwe vasina kuuya vakokwa vanosanganisira vatungamiri venyika dzeUganda, Rwanda, Kenya, Nigeria nedzimwe vangotumira vakuru vehurumende dzavo.
Vachitaura kekutanga kuruzhinji rweZimbabwe semutungamiri wenyika kubva zvapera sarudzo, VaMnangagwa vavimbisa kuzadzikisa zvavakavimbisa.
Vaenderera mberi vachizvirova dundundu vachiti hurumende yavo yakagona chose mumakore mashanu adarika.
Asi mutauriri webato reCCC VaPromise Mkhwananzi vanoti chiitiko chekugadzwa kwaVaMnangagwa ichi, kwanga kuri kutambisa nguva.
Mutungamiri weCCC VaNelson Chamisa vanotiwo kugadzirisa dambudziko reZimbabwe zvinoda kuti paitwe nhaurirano kwete zano ndega roitwa naVaMnangagwa.
Mumwe wechidiki auyawo kumhemberero idzi, ndiKenneth Mukomi wemuHarare, uyo ane chivimbo nehurumende yavaMnangagwa.
Mumwe wevanotungamira sangano rinorwira kubviswa kwezvirango zvehupfumi zvakatemerwa vamwe vatungamiri vemuZimbabwe, reCitizens Against Economic Sanctions, Muzvare Mandova Mandezhu, vanoti vane tarisiro yakakura kubva kuna VaMnangagwa.
Nyanzvi inoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaLazarus Sauti, vanoti kunyange hazvo VaMnangagwa vagadzwa kuva mutungamiri wenyika, zvinogona kusapundutsa nyika yeZimbabwe.
Ko kusauya kwevatungamiri venyika dzemuAfrica vakawanda pakutora mhiko kwaVaMnangagwa kunorevei? Tabvunza nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda nesangano rinorwira kodzero dzevanhu reSouthern African Liaison Office VaMunjodzi Mutandiri.
Asi nyika zhinji dzinosanganisira China, Russia neBelarus dzatumirawo nhume dzadzo kuchiitiko ichi.
Mhemberero dzekutora mhiko kwavaMnangagwa idzi, dzaonawo Amai Grace Mugabe, mudzimai wevaive mutungamiri wenyika mushakabvu Robert Mugabe, pamwechete nevaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru vari pamabiko aya.
Mamwe mapato ezvematongerwo enyika auya kuchiitiko ichi anosanganisira reNCA, rinotungamirwa navaLovemore Madhuku, reLEAD rinotungamirwa naMuzvare Linda Masarira uye reZCPT rinotungamirwa navaTrust Chikohora.
Your browser doesn’t support HTML5