Vakasarudzwa kuita kanzura weCCC kuGlen Norah vakamirira kugadzwa, VaWomberaiishe Nhende neshamwari yavo VaSanele Mkuhlani vanonzi vakapambwa kuMilton Park muHarare nemusi weMugovera vange vachivhenekwa nhasi navanachiremba kuti paonekwe kuti jekiseni ravakabaiwa rainge riine muchetura here kana kuti kwete.
Vaviri ava vakapambwa ndokuitwa kafiramberi vakasiya vakandwa pedyo nerwizi rwegwebi kumashonaland west province.
Imwe nhengo yebato reCCC VaNelson Mukwenha vakapambwawo kuHighfield vakasiya vakandwa musango kuMapinga, Mashonaland West.
Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti reZimbabwe Lawyers for Human Rights neAmnesty International ari kuchema chema nekupambwa kwoitwa nhengo dzinopikisa nevanofungidzirwa kuti vasori.
Mutevedzeri wemukuru weAmnesty International Muzvare Khanyo Farisè vati kugadzwa kwaVaMnangagwa kwazvibiswa nenyaya dzekupambwa nekumbunyiukidzwa kwevanopikisa uku.
Asi mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vati havana kunge vasumwa nezvekupamba kwevanhu uku.
Mutauriri wesangano reZLHR, VaKumbirai Mafunda vati nyaya yekupamba vanopikisa hurumende chatove chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga.
Your browser doesn’t support HTML5