Magweta maviri anorwira kodzero dzevanhu anoti VaDouglas Coltart naVaTapiwa Muchineripi, vanova nhengo dzesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights dzakasungwa nezuro manheru muHarare, vamiswa pamberi pedare vakapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.
Vaviri ava vakasungwa vachimirira nhengo mbiri dzebato reCCC dzakapambwa dzikaitwa kafiramberi muHarare.
Mutongi wedare, VaDenis Mangosi, vapa mutongo uyu mushure mekunge vachuchisi vabvumirana nemagweta evaviri ava kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Rimwe remagweta evaviri ava, VaJeremia Bamu, vati vaviri ava vanzi vadzoke kudare musi wa 20 Gumiguru.
VaBamu vati “Vanzi nedare vabhadhare zana remadhora ekuAmerica semari yechibatiso kana mari inoendererana nemari yemuno vozodzoka zvakare musi wa20 Gumiguru kuti dare rizopa mutongo.” Vatizve, “Dare rinoda kuongorora kuti kusungwa kwavakaitwa nekuchengetedzwa kwavakaitwa muhusungwa zviri pamutemo here.”
Vaviri ava vari kumirira vakasarudzwa kuita kanzura weGlen Norah Ward 26, VaWomberaiishe Nhende uye VaSanele Mkuhlani. VaBamu vati VaColtart naVaMuchineripi vari kuramba mhosva yavari kupomerwa yekuti vakavhiringidza mapurisa kuti asaone kana kutaura naVaNhende naVaMukuhlane.
“Magweta awa vange vari pakati pekuita basa ravo, vange vane mashoko avenge vaudzwa kuti Womberaishe naSanele vakangange vasingakwanise pahutano hwavo kubvunzurudzwa nemapurisa panguva iyoyo, “
VaBamu vaudza Studio 7. Vaenderera mberi vachiti, “Ndomashoko avakaturira kumapurisa kuti izvo ndizvo zvataziviswa nemachiremba ndozvakasakisa kuti vabve vasungwa. Saka isu semagweta tiri kuti masungirwe nemashandire akaita mapurisa kwaakumbunyikidza, nekuvhiringidza uye kutadzisa magweta kuita basa rawo.”
VaBamu vaisawo zvichemo zvishanu pamberi pedare, zvinosanganisira chekuti kusungwa kwemagweta aya kwaive kunze kwemutemo. “Ndochimwe chichemo chataisa pamberi pedare kuti mukuenderera mberi nekuvhiringidza kodzero dzevanhu havana kutadzisa magweta chete kuita basa asi mapurisa akazoenderera mberi nekutyora kodzero dzaWomberai naSanele dzekuti vamiririrwe nemagweta avo avanoda nekuti saizvezvi vari muhusungwa hapana ari kuvamiririra.”
Rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaMarufu Mandevere, vati zvinosuwisa kuti magweta anosungwa achiita basa ravo.
VaMandevera vati, “Zvinhu zvakaipa chose, zvinhu zvinosvibisa zita renyika, zvinhu zvinonyadzisira nyika, zvinhu zvakaipa chose nekuti kana magweta ava kusungwa achimirira kodzero dzevanhu vavo kokuzoti vanhu vacho vanobatwa sei.”
Mutauriri wesangano rinomirira magweta munyika, reZimbabwe Law Society, VaRichard Chidza, vati sangano ravo rinoda kuti nhengo dzaro dziite basa pasina kuvhiringidzwa.
Zvichakadaro, mutungamiriri weCCC, VaNelson Chamisa, nhasi vashanyira VaNhende naVaMkuhlane, avo vakapambwa nemusi weMugovera.
VaChamisa vati zvinosuwisa kuti vanhu vangapambirwe nyaya dzematongerwo enyika uye vanoda kuti nyaya iyi iongororwe nemapurisa.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commission Paul Nyathi, vaudza Studio 7 kuti mapurisa ave kutoongorora nyaya iyi mushure mekunge paita vanhu vakamhan’ara kuti VaNhende naVaMukukhlane vainge vasiri kuonekwa.
Vatiwo havatarisire ani nani zvake, kusanganisira magweta, kuvhiringa mapurisa apo anenge achifereta nyaya.
Your browser doesn’t support HTML5