Chizvarwa cheZimbabwe Chiri muAmerica, Muzvare Stella Mkiliwane, Vanonyora Bhuku Pamusoro peMatambudziko Avakasangana Nawo

  • Jonga Kandemiiri

Muzvare Stella Mkiliwane

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naMuzvare Stella Nonhlanhla Mkiliwane, avo vari mudunhu reTexas muno muAmerica.

Muzvare Mkiliwane vakanyora bhuku rinonzi “Behind The Smile is Life And Life,” iro rinotsanangura matambudziko akawanda avakasangana nawo muhupenyu hwavo, anosanganisira kufirwa nemwana uye kurwarirwa nevana.

Bhuku raMuzvare Stella Mkiliwane.

Asi Muzvare Mkiliwane, avo vakaberekerwa kuLower Gweru, vanoti kunyange hazvo vakasangana nematambudziko makukutu, vakaramba vakabatira pamupendero wekutenda kuti kuna Musiki, izvo zvavanoti zvakaita kuti vakunde mumatambudziko ose.

Vanotiwo vakawanda simba kubva mushamwari dzakamira navo munguva dzekuomerwa, pamwewo navanachiremba vakavabatsira kuchipatara pakarwara mwanasikana wavo zvekusvika pakunzi mheno akapona.

Muzvare Stella Mkiliwane

Muzvare Mkiliwane vanoti bhuku ravo rekutanga iri rakavapa mukana wekuburitsa zvaivaremera muhana mavo, uye riri kutambirwa zvakanaka chose nevanhu vari wanawo zvidzidzo kubva muhupenyu hwavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Stella Mkiliwane