VaIan Makone Vosarudzwa Kuva Meya weHarare Vachivimbisa Kurwisa Huori

VaIan Makone vebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change nhasi vasarudzwa kuva meya weguta reHarare ikuwo Muzvare Kudzai Kadzombe vebato rimwe chetero vachisarudzwawo kuva mutevedzeri wavo.

Vachitaura mushure mesarudzo dzaitwa nhasi, VaMakone vavimbisa kurwisa huori zvakasimba.

“Tiri kuti isu anenge aita huori hapana tsitsi,” vadaro VaMakone.

Muzvare Kadzombe vatiwo vachashandisa mutemo pakupedza denda rehuori mukanzuru yeguta reHarare. Vati, “Mugore ra 2018 takagadzirisa mutemo wekurwisa huori mumakanzuru. Saka izvozvo, ndizvo zvicharwisa huori,”

Asi kanzura weZanu-PF muWard 12 inosanganisira Harare South, VaSimon Manzanga, vati chavanongovimba nacho muwono wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pakuvandudza maguta enyika ino. VaManzanga vati, “Tarisiro yedu isu ndeyekungoti tinongofamba nemuono wemukuru wenyika, Vision 2030 inova ichafanira kuchenesa guta.”

Mukuru wezvirongwa musangano reCombined Harare Residents Association, VaRueben Akili, vati vanobvumirana nematanho anzi ari kuda kutorwa naVaMakone naMuzvare Kadzombe pakurwisa huori.

Mukuru musangano reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vati huori hwunofanira kurwiswa zvichitanga nemakanzura acho.

“Huori hwunofanira kutariswa kutanga nemakanzera,” VaShumba vakadaro.

Muongorori wezvematongerwo enyika uye vari chipangamazano musangano re International Media Support, VaRashweat Mukundu, vanoti vanotarisira kuti vanhu vasarudzwa ava vachamutsa guta reHarare ravati ranga raparara.

“Guta reHarare raparara, rava kuita kunge rakamborwirwa hondo, marara chaiwo haasi kutakurwa.

VaMakone vatora basa ranga richiitwa naVaJacob Mafume veCCC avo vaigara vakanetsana negurukota rezvematunhu, VaJuly Moyo avo vaipomerwa mhosva yekupindira mukutongwa kwedhorobha.

VaMafume vakasarudzwa kuva kanzura weWard 19, asi havana kukwikwidza musarudzo yameya weguta iri rwendo rwuno.