Vechidiki Vakakunda Musarudzo Vovimbisa Kuzadzikisa Zvavakavimbisa

Muzvare Tatenda Mavetera veZanu-PF

Vechidiki vakabudirira kuva makanzura pamwe nekuva vamiriri mudare reNational Assembly vari kuvimbisa kuzadzikiwa zvavakaudza vanhu kuti vachaita kana vakakunda musarudzo. Asi nyanzvi dzinoti muromo hauzaririrwi nerwizi.

Mumwe wevechidiki anomirira Citizens Coalition for Change mudunhu reLobengula-Magwegwe mudare reNational Assembly, VaEric Gono, vanoti kunyange vachiri nekugunun’una nezvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika, vacharwira kodzero dzevechidiki.

VaGono vati, “Tichaedza kushanda nesimba kuti zvatakavimbisa munguva yekutsvaga rutsigiro, tizviwane, kunyanye kodzero dzevechidiki.”

Vaenderera mberi vachiti, “ Tiri vatumwa vevechidiki ava, naizvozvo tichagara navo pasi tonzwa kuti vanodei, toenda nazvo kuparamende. Asi tichiita hedu basa iri, hatidi kukanganwa kuti sarudzo dzegore rino dzakabirirwa, naizvozvo tichiri kungoti, dzinoda kudzokorodzwa.”

Mumiriri weZanu PF kuChikomba West, uye vatora mhiko segurukota rinoona nezvehumhizha nehumhetura mukubutritswa kwemashoko kana kuti ICT, Muzvare Tatenda Mavetera, vanoti vachaisa simba rakawanda mukugadzirwa kwemitemo inosimudzira vechidiki.

Muzvare Mavetera, “Pane mitemo yakati wandei ine chekuita nevechidiki isina kunge yapera kugadziriswa muparamende yadarika, yakafanana neYouth Bill.”

Vati, “Ndichashanda nesimba kuti mitemo yakadai ipasiswe. Kana tikaita mitemo yakanangana nevechidiki, zvinobatsirawo kuti kwese kwavanoenda vachida kuzvipundutsa, vanenge vakatsigirwa pamutemo. Chimwe ndechekuti madzimai anodawo rutsigiro rwemutemo, kubudikidza neyatingati Gender Equality Act, inobatsira kuti vawaniswe mikana yakaenzana nevarume.”

VaGift Ostallos Siziba veCitizens Coalition For Change

Kanzura weWard 16 muguta reHarare, VaDenford Ngadziore, vanoti vachashandawo kuti vechidiki vawane mabasa. VaNgadziore vanoti, “Ini nyaya yekushaya mabasa yanyanya munyika, naizvozvo isu sekanzuru yeHarare tichaedza kuti tigadzirire vechidiki mabasa nekuti tikada kumirira hurumende, tinenge tichipedza nguva sezvo pasina chinobuda ikoko.”

Vatiwo, “Tingagadzira mashoma mabasa acho, asi tinoda kuratidza kuti zvinokwanisika kuti kanzuru iwanise vanhu vayo mishando pasina kupindira kwehurumende.”

Mumwe murume wechidiki, VaTichaona Mubvuyiwa, vanoti basa rakamirira vechidiki ava harisi nyore zvachose.

Vatiwo, “Hazvisi nyore nekuti zvishuvo zvavaivimbisa vanhu munguva yekutsvaga rutsigiro, zvinoda kunge zvakatsigirwa nemari, inova inobva kuhurumende, nekuda kwehoche-koche iripo pakati payo hurumende, nemahofisi akapinda vechidiki ava.”

Vaenderera mberi vachiti, “Saka muchaona kuti pane zvakaita sekugadzirwa kwemigwagwa, kunogona kunetsa kuzadzisa vimbiso iyi, asiwo kuitawo chenjedzo yekusiyana nezvinodhaka, kuchigona kuita nyore sezvo dzimwe dzenguva kusingadi mari yakawanda kubva kuhurumende.”

Asi mukuru wezvirongwa musangano rinoshanda nevechidiki reNational Association of Youth Organisations, VaMacDonald Munyoro vanoti mukushanda kwavo vese, vechidiki vari mumakanzuru, nevamiriri mudare reNational Assembly, vanofanira kuramba vachiyeuka kwavakabva.

VaMunyoro, “Zvinogona kunge zvisiri nyore kuti zvavanoda zvese zviitike asi dai varamba vachiyeuka kwavakabva, uyewo kugara vachiudza vavanomirira mungava muparamende kana mukanzuru, kuti zviya zvandakavimbisa, zvava padanho rakadai.”

Vaenderera mberi vachiti, “Izvi zvakakosha nekuti kunyange vachiita basa, dzimwe nguva vanokanganwa kuzodzokera vachinotaurira vakavavhotera kuti nyaya dzavanoda kugadzirisirwa dzava papi. Zvakakosha kuti vazive kuti basa riri mberi kwavo harisi nyore.”

Nyanzvi yechidiki inowongorora nyaya dzevechidiki vanoshanda vakazvimirira Muzvare Mufaro Magombedze vekuChegutu, vanokurudzirawo vakapinda muzvigaro, kuti vasatambise mikana yavawana iyi.

VaMufaro vati, “Chekutanga ndinoda kuvakoroketedza mukukunda kwavo.” Vatizve, “Chepiri ndinoti ngavasakanganwa zvavakavimbisa vanhu munharaunda dzavakabva. Uyewo, ngavaverenge zvakanyanya kuitira kuti vagotaurawo zvine udzamu panenge pava kukurukurwa nyaya dzine chekuita nevechidiki. Hatidi ruzha rwusina mature, asi tinoda zvinhu zvine humbowo, zvinobatika.”

Zimbabwe Electoral Commission haisati yazivisa kuti vangani vechidiki vakakunda musarudzo dzemakanzura nedzekuva vamiriri mudare reNational Assembly, asi nekuda kwezvigaro zvakati kuti zvakawaniswa vechidiki pachena kuburikidza nebumbiro remitemo, zvinoratidza kuti rwendo rwuno kune vechidiki vakapinda mumakanzura nemuNational Assembly vakawanda.

Vamwe vechidiki vari mudare remakurukota ratora mhiko nhasi vanosanganisira Muzvare Barbra Rwodzi vave gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, VaTino Machakaire gurukota rezvevechidiki uye mwana waVaMnangagwa, VaDavid Mnangagwa vanova mutevedzeri wegurukota rezvemari.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Tobias Mudzingwa