Nyaya yekudzoswa kwevamwe vaive muhurumende yapera vakadzoswa zvakare muhurumende yakadomwa neMuvhuro nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, yasimudza mutauro munyika, vanhu vachipa maonero akasiyanasiyana pachitariswa nyaya dzehupfumi hwenyika nekuti huri kunanga kupi?
Dzimwe nyanzvi dzehupfumi dziri kuti mutungamiri wenyika adzosa makurukota asina zvaakaita muhurumende yadarika, uye akanganisa nekuwedzera huwandu hwedare remakurukota kubva pamakurukota makumi maviri nemaviri (22) kuenda pamakurukota makumi maviri nematanhatu (26), vachiti izvi zvichadya mari yehurumende yakawanda.
Asi vamwe, avo vari kutsigira danho raVaMnangagwa, vanoti mutungamiri wenyika ashandisa muono wemberi, sezvo adzosa mamwe makurukota mumapazi awo ekare kuitira kuti apedzise nekuzadzisa hurongwa hwebudiriro hwaakatanga hwe Vision 2030.
Nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa muno muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti havaoni hudzamu mudare remakurukota idzva iri.
Ukuwo imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute, Doctor Chitambara vanoti zvakare pane basa guru rinofanirwa kuchiitwa nehurumende munyaya dzezvehupfumi, zvikuru kuunza kugadzikana kwehupfumi hwenyika.
Doctor Prosper Chitambara vanoti pamusoro pekuwedzera dare remakurukota izvo zvichadya mari yenyika yakawanda, VaMnangagwa havanawo kuzadzisa kurudziro yekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi.
Vanoongorora magariro evanhu vachitungamira zvirongwa musangano reZimbabwe Network for Social Justice, VaTendai Reuben Mbofana, vanoti vakatonyanya kukatyamadzwa nekudzoserwa kwaVaMthuli Ncube segurukota rezvemari.
Rimwe gurukota rakadzoswa ndiMuzvare Kirsty Coventry, avo vadzoswa kubazi ravo rezvemitambo.
Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi, vari mukuru weBullion Group lnternational uyezve vari chipangamazano chebhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, VaPersistence Gwanyanya, vanoti havana kushamiswa nekudzoswa kwemamwe makurukota mumapazi avo vachiti hupfumi hwenyika hunoumbwa nekuita mushandira pamwe kwemapazi ose.
Kunze kwekunge paine zvitsva zvicharatidzwa nemakurukota matsva akaiswawo kudare remakurukota iri, vakawanda vanoti ngoma ichangoramba iri ndiyo ndiyo kwemamwe makore mashanu sezvo vachiziva nechakare zvichabuda mumapazi akagara achikundikana kuzadzisa tarisiro yeveruzhinji.
Mapazi avanoti asina zvitsva zvavanotarisira anosanganisira bazi remhando dzemoto, bazi rezvehutano, mapazi edzidzo nemamwe ose akakundikana kushanda zvinooneka muhurumende yadarika.
Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dziri kukurudzira kuti VaMnangagwa vaise simba ravo mukurwisana nehuwori, vachiti pada izvi zvinogona kuzoburitsa michero inodyiwa nevana veZimbabwe vese, kwete nevarefu chete vachidya zvevapfupi nekureba.
Your browser doesn’t support HTML5