Vamwe Vagari muMatunhu Akavhotera Zanu PF Zvine Mutsindo Musarudzo Dzapfuura Vanoti Matunhu Avo Haana Budiriro Dzinobatika

Zanu PF yakakunda mumaruwa akawanda kudarika CCC, iyo yakakundawo zvine mutsindo mumaguta.

Matunhu ekumaruwa akawanda akaona vanhu vachivhotera bato reZanu PF zvine mutsindo, ukuwo Citizens Coalition for Change ichizvambura Zanu PF mumaguta musarudzo dzakaitwa muna Nyamavhuvhu. Asi vagari vakawanda mumatunhu aya vanoti matunhu avo achakasaririra shure zvikuru.

Matunhu anoti Mashonaland Central, Mashonaland East, Mashonaland West neMasvingo ane vanhu vakawanda vakavhotera Zanu PF zvine mutsindo.

Ongororo yakaitwa neStudio7 mumatunhu aya inoratidza kuti hakuna budiriro inobatika iri mumatunhu aya zvinoenderana nekuvhota zvine mutsindo kwakaitwa neveruzhinji mumatunhu aya.

Mumwe mudzimai anogara kuRushinga mudunhu rekuMashonaland Central, Amai Muchaneta Dumba, vanoti dunhu ravo rakarwirwa zvakanyanya hondo yerusununguko nekudaro vanhu vakawanda vanovhotera bato reZanu PF nekuti ndiro rakaunza rusununguko.

“Vanhu vakawanda vachiri kurangarira hondo yerusununguka nezvakaona pamwe nekuudzwa nekudaro vanovhotera ZANU Pf yakaunza rusununguka” Amai Dumba vanotsanangura.

CCC Rally at Murombedzi in Mashonaland West


Mumwe mugari wekwaSadza kuMashonaland East, VaKizito Manyara, vanoti pachine kutyisidzirwa kwakawanda kwekuti hondo inodzoka vanhu vakasavhota zvine hungwaru, kana kunyimwa zvikwanisiro zvinofanirwa kunge zvichipiwa pachena nehurumende, izvo zvinozoita kuti vanhu vavhotere bato reZanu PF.

“Vakawanda vanotyisidzirwa kuti vakavhotera rimwe bato risiri Zanu Pf hondo inodzola zvakare” VaManyara vanotsigirawo

Asi mumwe mugari wekwaZvimba, mudunhu reMashonaland West, VaTaurai Chagodora, vanoti zvinhu zvave kushanduka sezvo bato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change rakakwanisa kukunda kuZvimba East zvaisafungidzirwa nevakawanda.

“Ndinofunga kuti mavhotero ari kuita vanhu kumaruzevha ari kuchinja sezvo mapato anopikisa ave kukunda bato reZanu PF sezvakaitika kuZvimba East” VaChagodora vanopa pfungwa dzavo

Vakafanobata chigaro chemukuru muhofisi inoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaFarai Marapira, vanoti bato ravo rinovhoterwa zvakanyanya kumaruwa sezvo kuine vanhu vanoona mabasa akanaka arinoita uye rine nhoroondo yakakura munyaya dzezvematongerwo enyika.

“Bato reZanu PF rinovhoterwa zvakanyanya kumaruwa nekuda kwekuti vanhu vekumaruwa vanoyemura nekutenda mabasa avanoitirwa neZanu PF” VaMarapira vanotsanangura.

Farai Marapira Director Information and Publicity ZANU PF


Panyaya yekuti bato reZanu PF harivandudze matunhu anenge arivhotera zvine mutsindo, VaMarapira vanoti hurumende yebato ravo yaita zvakawanda kwazvo kumatunhu aya zvakanangana nebudiriro pamwe nekuwaniswa kwemabasa kwevagari mumakambani emigodhi pamwe nekuyamura mhuri dzinosvika zviuru mazana maviri nemakumi mapfumbamwe dzakawaniswa mbeu nefotereza zvekurimisa pagore.

“Mudunhu reMashonaland Central tinoyamura mhuri dzinosvika 290 000 nembeu nefotireza gore rega rega pamusoro pekuvhura migodhi imwe yainge yakambovharwa seShamva mine” VaMarapira vanozivisa

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutauriri webato guru rinopikisa reCCC, VaOstalos Siziba, vanoti vakavhoterwa kudarika pane imwe nguva kumaruwa nekuburikidza nechirongwa cheMugwazo asi vanoti mhirizhonga pamwe nekushandiswa kwemadzishe nemasabhuku kunoita kuti vanhu vasasununguke kusarudzo bato nevanhu vavanoda.

Vaimbove mumiriri weNorton mudare reparamende vakazvimirira, VaTemba Mliswa, vanoti mapato anopikisa anotatarika kupinda kumaruwa nekuti havana zvikwanisiro, vachiti bato reZanu PF rinoshandisa midziyo yehurumende kuenda kumaruwa, izvo zviri kunze kwemutemo.

“Kutsvaka rutsigiro kumaruwa kunodhura zvinoda mari dzakawanda dzisina mapato akawanda asi Zanu Pf inoshandisa zvikwanisiro zvemuhurumende” VaMliswa vanotsanangura.

VaTemba Mliswa.


Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Party, Doctor Wurayai Zembe, vanoti kunyange bato reZanu PF raivhoterwa kumaruwa, bato rinopikisa reCCC rakakwanisa kutorawo zvimwe zvigaro kumaruwa nekuda kwenhamo yatekeshera munyika.

“Vanhu kumaruzevha vave kuchinja mavhotero sezvakaitika mune dzimwe nzvimbo nekuda kwenhamo yatekeshera munyika” VaZembe vanotsanangura

Mumwe anoongorora nyaya dzezvematonherwo enyika, VaRejoice Ngwenya, vanoti vanhu havavhotere bato nezvavanoitirwa asi kuda kana kuvenga bato.

“ Vakawanda vaivhota nekufarira kana kuvenga bato kwete zvavakaitirwa” VaNgwenya vanopa pfungwa dzavo

Dzimwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti kunyange hazvo mavhotero evanhu vekumaruva nemumadhorobha agara achizivikanwa, zvinhu zviri kuita zvichichinja sezvo Zanu PF yakanongawo zvigaro mumaguta, ukuwo Citizens Coalition for Change yakanongawo zvigaro kumaruwa agara ari eZanu PF chete.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya yekumaruwa ina Nunurai Jena