Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muBritain Zvinokurudzira Hurumende yeBritain Kuti Isatambira Kukunda kwaVaMnangagwa muSarudzo Dzadarika

  • Jonga Kandemiiri

Vana veZimbabwe vari muBritain vari kunyunyuta kuti sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muBritain nezuro Chishanu zvakaenda kumahofisi emutungamiri weBritain, VaRishi Sunak, zvichinovatambidza gwaro razvo rine kunyunyuta kwazviinako pamusoro pesarudzo dzichangobva kuitwa muZimbabwe, uye kuburitsa kubiridzirwa kwazvinoti kwakaitwa sarudzo idzodzo.

Mumwe wevakanosvitsa gwaro kumuzinda wehurumende yeBritain, VaPanyika Karimanzira vesangano reRestoration of Human Rights, vanoti vana veZimbabwe vari kuda kuona kuti Britain ingabatsira sei panyaya yekusafambiswa zvakanaka kwesarudzo neZimbabwe Electoral Commission vachitarisa kudyidzana kwayo neZimbabwe.

Britain's PM Sunak looks at knives and machetes seized from knife attacks in London

“Isusu tiri kuda kuti hurumende yeBritain nedzimwe hurumende dzese dzisatambira kuti VaMnangagwa ndiye mutungamiri weZimbabwe akakunda musarudzo dzapfuura. Tiri kuda kuti zvakabuda musarudzo iyoyo zvisaonekwa, zvisatorwa sekunge ichokwadi. Toda kuti paite, kana zvichigona, imwe sarudzo itsva inenge ichifambiswa zvakanaka,” vanodaro VaKarimanzira.

VaKarimanzira vanoti zvimwe zvezvinhu zviri mugwaro ravakasvitsa inyaya dzekuramba vanopikisa nevanorwira kodzero vari kushungurudzwa nehurumende yeZimbabwe kunyange hazvo sarudzo dzakadarika.

Vanoti hurongwa hwekunosvitsa gwaro iri hwakaitwa nevana veZimbabwe vaibva kumapato anosanganisira CCC neZapu, uye masangano anoti My Right 2 Vote, ZHRO neROHR vkabatana sevana veZimbabwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPanyika Karimanzira

Asi nhengo yeZanu PF vachiongorora zvematongerwo enyika, Doctor Masimba Mavaza, vanoti danho revana veZimbabwe vari kuBritain iri harina zvarinoshandura muZimbabwe.

"Chekutanga ndechekuti vanhu vatakaona vachiita chamurambamhuru vakananga kuparamende nekumba kwemutungamiri weBritain, vakanga vasiri vana veZimbabwe chete. Vaisanganisira vana veZimbabwe vaviri kana vatatu nedzimwe nhubu dzinoshandsisa vana veZimbabwe, saka haisi Zimbabwe yakaita izvozvi. Dzaingove nhubu hadzo shomashoma,. Vari kutaimira mari dzemadhona,” vanodaro Doctor Mavaza.

Doctor Mavaza vanoti zvekunyora magwaro kana mapetisheni hazvibatsire, vachiti vanofanirwa kutonyora vachiti zvirango zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe zvibviswe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Mavaza