Chirongwa cheMapurisa Chekugadzirisa Zvinhu muMigwagwa yeHarare che"Tame The Traffic Jungle," Chotambirwa Zvakasiyanasiyana neVeruzhinji

Mapurisa agara anoparura zvirongwa zvekugadzirisa zvinhu mumigwagwa.

Vanoshandisa mabhazi nemakombi anotakura veruzhinji muHarare vane maonero akasiyanasiyana pamusoro pechirongwa chakaparurwa nemapurisa chinonzi “Tame The Traffic Jungle,” icho chakanangana nekubvisa mumigwagwa dzimotokari dzisina magwaro akakwana pamwe nedzisingakodzeri kuva mumigwagwa.

Kusateverwa kwemitemo yemumigwagwa nevedzimotokari nevemabhazi kunonzi kuri kukonzeresa njodzi dzemumigwagwa dzakawanda sezvo dzimwe dzimotokari idzi dzisina kukodzera kuve mumigwagwa, ukuwo dzimwe dzacho dzisina mvumo yekutakura veruzhinji.

Vanhu vakamirira mabhazi muHarare.

Achinyora padandemutande rawo reX, mapurisa anoti kusvika mukupera kwezuva nezuro, ainge asunga vatyairi vanodarika zviuru zvinomwe munyika yose, uye motokari dzinodarika zviuru zvitatu nemazana matatu dzainge dzatorwa nemaourisa sezvo dzaisakodzera kuva mumigwagwa.

Mukuru wesangano rinomirira vanhu vanofamba nemabhazi nemakombi, rePassengers Association of Zimbabwe, VaTafadzwa Goliath, vanoti chirongwa ichi chichaita kuti vanoshandisa migwagwa vatevere mitemo.

Mukuru wesangano remakombi reZimbabwe Public Transporters Association, ZIPTA, VaEmison Nhidza, vanoti chirongwa ichi chakanaka asi havatenderani nemaitirwo acho.

Mumwe wevagari vekuChitungwiza, VaAlex Alick, vanoti vafambi vakawanda vari kumirira zvekufambisa kwenguva yakareba zvikuru munguva dzemangwanani nenguva dzemanheru.

Paul Nyathi -Police

Mutauriri wesangano rinomiririra vanotengesera mumigwagwa, reVendors Initiative for Social and Economic Tranformation, VaJabulani Chikomwe, vanoti vanhu vanoshanda vakazvimirira havasi kuwana mukana wekutengesa sezvo vachinonoka kusvika kwavanoshandira vachikasika zvakare kubva pamabasa kuitira kuti vawane zvekufambisa.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati vari kushanda pamwe chete nemasangano akasiyana siyana, vaine chinangwa chekupedza dambudziko remumigwagwa iri.

Chirongwa ichi chakatanga nemusi weChipiri, uye chichapera musi wa 26 Gunyana.

Mugore ra2022 mapurisa akaita zvekare chirongwa chakapuhwa zita rekuti, “Respect Other Road Users.”

Asi vamwe vanoti zvirongwa izvi hazvina zvikuru zvazvinoburitsa sezvo dzimotokari dzisina magwaro akakwana nedzisina kukodzera kuve pamugwagwa dzichingozodzoka zvakare pazvinopera.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Taboka Ncube