Mukuru weDepartment of Chemical Pathology kuSchool of Medicine paUniversity of Zimbabwe Muzvinafundo Hilda Tendesai Matarira vanoti mvura inopiwa vagari vemuHarare, Ruwa neChitungwiza iyo inobva kuLake Chivero haichafanirwa kunwiwa kana kubikisa chikafu nokuti chero zvazvo mvura iyi ikafashaidzwa, inosara iine hutachiwana hunokonzera zvirwere zvakawandisa zvemudumbu uye zvimwe zvinobata mapapu nechiropa.
Muzvinafundo Matarira vakatangisa zvakare chirongwa chokuongorora mvura dzese dzemumatsime, zvibhorani nemvura dzekanzuru kuti vagari vemunharaunda yenzvimbo dzadomwa idzi kuti vazive mamimiriro akaita mvura yavarikunwa.
Muzvinafundo Matararira vaudza Studio 7 kuti mvura irikufamba nepombi dzekanzuru yakasviba uye munhuhwi hwemvura iyi hunokonzerawo matenda kana zvirwere zvakawanda.
Vaendera mberi vachiti imwe tsvina inonzerwa nemapaipi akasakakara ayo anopinza tsvina kubva munharaunda yosvika kudzimba. Vaendera mberi vachitsanangura mhando yehutachiwana hunovhiringidza hutano hwevanhu hunenge mabacteria, viruses nemafungi.
Muzvinafundo Matarira vanoti imwe tsvina inowanika mumvura inobva kuzvimbudzi uye nezvimwe zvinhu zvinenge makondomu, nezvinoshandisa vakadzi pamazuva avo, sipo nemimwe mishonga inoshandiswa kumaindasitiri pamwechete nehutachiwana hwakasiyana siyana.
Mukuru wesangano recombined Harare Residents Association vaRueben Akili vatsinhirawo vachiti mvura inobva kuLake Chivero yakasvibisisa chero wakaitarisa nemaziso uye vakurudzira kuti kanzuru ishande pamwechete nenyazvi dzinoongorora mvura kuti ichenese mvura nemazvo.
Vaendera mberi vachiti masangano eZimbabwe National Water Authority, Environmental Management Authority vanofanira kuita chirwirangwe pakugadzirisa zvose zvirikukonzera kuti mvura yemuLake Chivero isvibe kudaro.
Amai Beauty Chinyowa vanogara kuTynwald North vanotsinhirawo vachiti mvura inobva kukanzuru inonhuhwa zvokuti haitonwike zvachose.Vaendera mberi vachiti vagari vemunzvimbo yavanogara vave kutopona nemvura yemuzvibhorani zvakadzikwa nevamwe vagari vemunzvimbo iyi.
Meya weHarare VaIan Makone vaudza Studio 7 kuti idonzvo rekanzuru yokuti ipe vagari vemunharaunda mvura inehutano uye vakurudzira mushandirapamwe naProfessor Matarira kuti vatsvage nzira dzokuchenesa mvura inobva kuLake Chivero,
Kunwa mvura yakasviba kuri kupa kuti vanhu muHarare nemamwe maguta varware nezvirwere zvakaita seCholera nemanyoka.
Zimbabwe ine dambudziko rechirwere checholera chakatangira kuChegutu muna Kukadzi. World Health Organization inoti vanhu makumi matanhatu nevashanu vafa munyika nechirwere ichi kusvika parizvino.
Bazi rezvehutano rinotiwo mugore rino, vanhu vanodarika zviuru zvinomwe nemazana matanhatu nemakumi maviri vabatwa nechirwere chemanyoka. Vanhu vana vakafa, vaviri vacho muHarare vamwe vaviri kuHwange.
MvuraMuzvinafundo Matarira vanoti vanhu vanofanira kuziva mamiriro akaita mvura yavari kushandisa nokudaro vakurudzira vanhu kuti vauye nemvura yavo kuti iongororwe pachena yakaiswamubhodhoro rakanatsochena, yakanyorwa zita remunhu wacho aiunza nekero yekwayatorwa mvura yacho, iyo yavanosiya kuUZ School of Medicine Department of Chemical Pathology kuRoom 19 paGround Floor kuParirenyatwa Hospital.
Your browser doesn’t support HTML5