Hurumende Inoti Haisi Kuzoshaya Hope neKunyimwa Mari neEU Asi Vamwe Vachiti Kungozvishingisa

Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission Amai Priscilla Chigumba

Hurumende inoti haisi kuzoshaya hope nedanho reEuropean Union rekumbomira kubadzira nemari inosvika mamiriyoni mashanu kukomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC.

EU yakazivisa nezvedanho iri nezuro mumashoko kuvatori venhau ichinyunyuta kuti sarudzo dzainge dzisina kuitwa zvakanaka nekudaro kudyidzana neZEC ichiratidza kuti haina kuzvimiririra kunonetsa.

Vachitaura neStudio 7, mukuru anoona nezvekufambiswa kwesarudzo kuZEC, VaUtoile Slaigwana vati sesangano, havasati vawana tsamba kubva kuE.U iri kutaura zvekuti yava kumbomisa rubatsiro rwayo kwavari, asi vari kungozvinzwawo zvichitaurwa pamadandemutande.

Asi mumashoko kuvatori venhau, EU yakati yainge yasuma ZEC kare nezvedanho rayainge yatora.

Mukuru anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mubazi rezvekubuditswa kwemashoko, VaRichard Mahomva vati danho rakatorwa neEU rinoratidza kuti ZEC yakaita basa nemazvo, zvinova zvanga zvisina kutarisirwa nenyika dziri mugungano iri.

Asi mukuru wesangano rinoona nezvesarudzo rakazvimirira, VaIgnatius Sadziwa, vanoti kucheka hukama neZEC kwaitwa neEuropean Union, kuchaunza matambudziko akawanda mukuitwa kwesarudzo muno.

Mashoko aVaSadziwa aya anotsigirwa negweta, uyewo vachiongorora zvematongerwo enyika, Amai Jacqueline Sande.

Asi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vakazvimirira, VaElton Ziki, vanoti kumiswa kwerutsigiro kwaitwa neEU kuZEC, hakuna zvakunokanganisa zvachose.

Mugwaro iri, EU yakati ZEC yakatadza kuita sarudzo dzakachena, zvinova zvimwezvo zvakabuditswa nemasangano akauya kuzoongorora sarudzo idzi, anosanganisira reSADC reAfrican Union nereThe Carter Centre.

Kunyange hurumende ichiti hapana chichakanganisika mubasa reZEC nekumiswa kwemari yeEuropean Union iyi, dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti zvichaiomera zvakanyanya sezvo yagara ichitatarika kubatsira mapazi ayo nemakomisheni akakosha munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Tobias Mudzingwa