VaMnangagwa Votanga Kuita Misangano kuUnited Nations

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa avo vari kuno kuNew York kumusangano weUnited Nations General Assembly uye vatanga kupinda mune mimwe misangano nhasi nekuita misangano nevamwe vatungamiri.

VaMnangagwa vapinda mumusangano uri kuitwa kumucheto wemusangano gmukuru wakanangana nekuruka mazano nekugadzirira kana nyika yatarisana nedambudziko rezvirwere zvemukondombera nezvimwe zvinopararira zvakanyanya kana kuti High “Level Meeting on Pandemic Prevention, Preparedness, Response”.

Vachitaura pamusangano uyu, VaMnangagwa vati matambudziko eHIV neCovid-19 ari kuramba achipa kuti vanhu vafe uye kukanganisa hupfumi. Asi vati mushure mekupararira kwechirwere cheCovid 19, Zimbabwe iri kutora matanho akasimba ekugadzirisa zvinhu munyaya dzezvehutano uye kuruka mazano ekurwisa zvirwere kuti igare yakagadzirira mune remangwana.

Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health VaItai Rusike vapindawo mumusangano uyu vati zvakakosha kuti vatungamiri vasangotaure asi kuzadzikisa nemabasa.

Vamwe vatungamiri vapinda mumusangano uyu vanosanganisira VaCyril Ramaphosa vekuSouth Africa, Amai Samia Suluhu vekuTanzania, VaWilliam Ruto vekuKenya, VaAlain Berset vekuSwiterland, VaRodrigio Chaves Robles vekuCosta Rica nevamwe.

VaMnangagwa vaitawo musangano nemutungamiri wenyika yeMozambique VaFelipe Nyusi. Vamwe vanoti vari kuyedza kuumbiridza hukama nevatungamiri veSADC mushure mesarudzo dzasiya dunhu raita zinyekenyeke. Asi hurumende inoti musangano uyu ndewekusimbaradza hukama.

Zvichakadaro, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwawo kutaura kumusangano weUnited Nations General Assembly mangwana. Asi sechave chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga, pasi rose richaona kuti muZimbabwe hamuna kubatana. Vamwe vatsigiri veZanu-PF vakaita saVaJones Musara vabva kuCanada vachida kutsigira VaMnangagwa.

Asi vamwe vakaita saVaDavid Siyamupondo vanoti vanenge vachiratidzira nemusi weMugovera vachitsutsumwa nematongero aVaMnangagwa.

Dingindira regore rino rinoti, “Rebuilding trust and reigniting global solidarity,” uye rakanangana nekuumba kuvimbika pamwe nekumutsiridza kubatana kwepasi rose.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Evans Zininga