Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa,Vanoti Zimbabwe Yakazvipira Kurwisa Denda reTB

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vachitaura kumusangano weUNGA wakanangana nekurwisana neTB.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa, vati hurumende yavo yakazvipira kurwisa chirwere cherurindi, kana kuti TB, uye iri mugwara rakatarwa neUnited Nations pasi pechirongwa chema Sustainable Development Goals mukurwisa denda iri.

Vachitaura kumusangano wakanangana nekurwisana nedenda reTB waitwa parutivi pemusangano mukuru weUnited Nations General assembly kuNew York muAmerica, VaMnangagwa vati nekuda kwemabasa akaitwa nehurumende yavo ekurwisa TB, Zimbabwe yakatobviswa panyika dzepasi rose dzinosvika makumi maviri (22) dziri kuremerwa nedenda iri.

Vati shuwiro yavo ndeyekuti pasi rose ridyidzane munzira dzechizvinozvino mukurwisa denda iri uye kuti pave nenhomba inokwanisa kubaiwa vanhu kuti vazvidzivirire kubva kudenda iri.

Murwere weTB achivhenekwa.

Mutungamiri wenyika vatiwo nyika yavo yakazvipira kurapa vese vane chirwere cherurindi uyezve kurapwa kwevane chirwere ichi kuri kuitwa muzvipatara zvese zvinosanganisira zvekumaruwa.

VaMnangagwa vati nyika yavo iri kushanda pasi pehwaro hweWorld Health Organisation Multi Sectoral Accountability Framework mukurwisa denda iri.

Vanhu vanofungidzirwa kuti vangangosvika mamiriyoni gumi nezviuru mazana matatunhau, kana kuti 10.6 million, vanonzi vakabatwa neTB pasi rose muna 2021, kuchitiwo miriyoni imwechete nezviuru mazana matanhatu, kana kuti 1.6 million vachifa nayo mugore rimwechetero pasi rose.

TB inonzi iri pachinhanho chegumi netatu pamatenda ari pamusoro mukukonzera ndufu pasi rose.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano, Doctor Simbiso Ranga, vanoti kunyangwe hazvo nyika iri kuita zvese zvainokwanisa mukurwisana nedenda reTB, pane zvizhinji zvichiri kufanirwa kuitwa kuitira kuti denda iri ripere zvachose.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Simbiso Ranga