Mukuru weCWGON, VaRusike, Vokurudzira Hurumende dzemuAfrica Kuti Varemekedze Zviri Kubuda kuUNGA Zvakanangana neHutano

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike.

Mukuru wesangano rinorwira hutano hwakanaka munyika, reCommunity Working Group On Health, Va Itai Rusike, vanoti zvakakosha kuti hurumende dzemuAfrica, idzo dzine vanhu vakaenda kumusangano weUNGA nehuwandu, dziremekedze zvitsidzo zvichabuda mumisangano iri kuitwa ikoko yakanangana nezvehutano.

VaRusike, avo vari kuNew York kumusangano weUNGA, vanoti zvinorwadza kuti vatungamiri venyika zhinji dzemuAfrica, kusanganisira Zimbabwe, havazi kuita zvakakwana kugadzirisa zvipatara uye kazhinji kacho vakuru vehurumende vanozoenda kunorapwa kunze kwenyika vachisiya zvipatara zveminyika dzavo.

Vanoti zvipatara izvi zvinogona kugadziriswa kana vatungamiri ava nedzihurumende dzavo vakaisa mari uye kuzvipira.

VaRusike vanoti kunyangwe hazvo musangano weUNGA uri kufamba zvakanaka gore rino, havana kufadzwa nekuti vamwe vatungamiri venyika dzakadayi seBritain, Russia, China nedzimwe havana kuuya kumusangano wegore rino.

Vanoti nyika idzi ndidzo dzinowanzobatsira nyika dzemuAfrica panyaya dzehutano asi dzakanga dzisipo zvinogona kudzorera zvinhu kumashure.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaItai Rusike