Huwandu hweVeChidiki Vari Kuita zveHungochani Hunonzi Hwawedzera muNyika Vamwe Vachiti Kurasa Tsika

Samba Chesterfield, mukuru weGays and Lesbians Association of Zimbabwe

Huwandu hwevechidiki vari kuita zvehungochani hunonzi nevari kuziva zviri kuitika huri kukwira munyika izvo zvononzi hazvisi kufadza vanhu vakawanda munyika. Asi masangano anomirira ngochani anoti huwandu uhu hunoratidza kuti ngochani dzava kukwanisa kumirira kodzero dzadzo.

Mumwe muimbi wechidiki ane mukurumbira asina kuda kuti zita rake ridomwe, anoti haachakendengi kuti vanhu vanotii pamusoro pekuva ngochani kwake. Ati, “Kunyange kuStudio kwandinoenda kunogadzira mhanzi yangu, vanozviziva kuti ndizvo zvandiri, uye havanditsoropodzi kana kundisarudza. Kwandinobva vanonditi mainini, ndichitodavira, zvisinei nekuti ndine sikarudzi yechirume."

Aenderera mberi achiti, " Ini ndakangokura ndichinzwa kuda varume, kwete vasikana, saka ndizvo zvandinongoita. Asi ndinoda kuita wekutanga kuzobudawo pachena kuruzhinji rweZimbabwe, kunyanya kune vanoteerera mhanzi yangu, kuti vazive zvandiri chaizvo nekuti mazuvano zvave kutaurika kudarika kare.”

Mumwe mubereki anogara muHighfield muHarare, ada kudaidzwa nerekuti Mai Kuku, anoti ane mwanasikana ane makore gumi nemapfumbamwe ekuberekwa, anodanana nevamwe vasikana. Audza Studio 7 kuti. “Ini ndakazoita kunzwa nemakuhwa mumaraini, vanhu vachingoti mwana wangu aiva akaremara. Handina kuzviisa mupfungwa nekuti vasikana vanotamba bhora remadzimai vanombodaro."

Atizve, "Asi paakazosvika Fomu 3 ndipo pandakatanga kuona kuti mapfekero ake, kutaura, mafambiro, neshamwari dzake dzaingova vakomana chete- zvainge zvisisiri zvega. Ndakamboedza kurova nekutsiura asi hapana chazvakabatsira. Unombotuka Mwari kuti ndini ndadii chokwadi, asi unongozopedzisira wati hameno ikoko. Ava nemakore 19 nhasi uno, hameno kuti zvichaguma nei.”

Mudzimai anogara muMbare muHarare, Amai Emelia Sandurwa, vanoti kana munharaunda yavo, vawanda vechidiki vari kuita zvehungochani. Amai Sandurwa vati, “Unopera simba ukavaona vakomana vasvinu vakapfeka uye vachitaura kunge vasikana." Vatiwo, " Kana mapfekero avo unogona kutofunga kuti vasikana, wobva washaya kuti zviri kumbofamba sei. Mumakore adarika, taingoona vashoma chete, asi nhasi uno hazvichashamisi kuona ngochani munharaunda dzatiri kugara. Kuti chii chaicho chiri kuvasunda, hameno.”

Mumwe murume wechidiki anogara kuHatfield, muHarare, Obey Mahachi, anoti chingochani chinonzi chine mari, naizvozvo vamwe vake vechidiki vave kupindana nazvo senzira yekuwanawo pfuma.

VaMahachi vati, “Mukutaurwa kwazvo, zvinenge zvichingonzi kana ukadanana nemurume iwe uri murume, kana kuti mukadzi iwe uri mukadzi, unogona kuwana mari yakawanda kubva kune wauri kudanana naye." Vaenderera mberi vachitiwo, "Saka mukuona kwangu, nemaomero akaita zvinhu muZimbabwe, uyu mukana wava kutorwa nevamwe vechidiki kuti vawane raramo iri nani. Kusaziva hangu kana zviri zvechokwadi kuti chingochani chine mari.”

Asi mutauriri wesangano rinomirira ngochani muZimbabwe, reGays and Lesbians of Zimbabwe (GALZ), Tanatswa Gumbo, anoti huwandu hwengochani muZimbabwe, huri kukonzerwa nekushinga kwengochani dziri kubuda pachena kuti ndozvadziri.

Gumbo audza Studio 7 kuti, “Kuvandutswa kwezivo kwaisamboveko kare ndiko kwaita kuti vanhu verudzi urwu vaonekere pachena, uyewo kutsigirwa kwekodzero dzevanhu kwaita kuti tive vanhu vasingatyi, uye kupembera zvavari pasina kunyara nekutya kushoropodzwa." Aenderera meri achitiwo, "Zvekare, vanhu vava kuziva kusiyana kunoita vanhu paGender- kuti zvauri handizvo zvakaita ari pedyo newe. Pave nekunzwisisana nekugarisana kwaita kuti vainge vakazvivanza vabude pachena nekuzvipemberera.”

Asi vanozviti vanorapa vachishandisa mishonga yechivanhu uye vachimirira tsika nemagariro evatema, Mbuya Muchadura, vanoti havawirirani nehungochani hwavatiwo hwatekeshera munyika.

Mbuya Muchadura vati, “Pachivanhu chedu, hungochani haubvumidzwi nekuti hakuberekwi mwana." Vaenderera mberi vachiti, "Chero munyika yedu yeDzimbabwe, hazvibvumidzwi zvakadaro. Husimbe hwava nevechidiki ndihwo huri kukonzeresa izvi. Ndizvo zvinhu zvinokanganisa zvinhu munyika yedu, saka tinoti pasi nehungochani, vanhu ngavaroorane, nyika yedu isaparara.”

Asi mufundisi paTheological College of Zimbabwe, Reverend Ray Motsi, vanoti vana vane hungochani havadi kuraswa.

Mufundisi Motsi vati. “Kunyanya isu vemachechi, tinofanira kutora mukana wekudzidzisa vana vedu zvakaipa nezvakanaka nekuti kana paine munhu anoba, kana mhondi, kana chii zvacho chisingatenderwi nebhaibheri, tinofanira kuvataurira pasina kuti madhimoni kana kuti havana kukwana. Munhu wese anokanganisa uyewo chakaipa chinofanira kungotaurwa, chakanakawo chitaurwe."

Vatiwo,"Mwana wangu semufundisi akava ngochani, ndinomugamuchira semwana wangu, asi havirevi kuti ndiri kutsigira chingochani. Chakaipa hachichinji nekuti chaitwa nani.

Mukuru wesangano rinopa veruzhinji, kusanganisira ngochani, zvikwanisiro zvepabonde reCentre for Sexual Health and HIV/AIDS Research Zimbabwe, Amai Primrose Matambanadzo, vanoti vacharambawo vachishanda nechikamu chevanhu ichi, kuti vadzivirire zvirwere zvepabonde. Vati, “Bazi rezvehutano rakataura kuti ngochani dzinopinda muchikamu chevanhu vari munjodzi huru yekutapuriranwa hutachiona hweHIV, naizvozvo, isu tinobatsirawo kuti kutapuriranwa uku kuderedzwe."

Vatiwo, "Chatinotarisa hutano hwemunhu nekudzivirira HIV. Mukuona kwedu, kupa rubatsiro urwu munzvimbo dzakasiyana-siyana kwatiri kuita kunoratidza kuti tikatekesherawo zvakanyanya, tinowanawo vakawanda vanobatsirika.”

Sangano rinoona nezvekudyidzana kwenyika dzepasi rese reDevelopment and Cooperation rinoti mugore ra2019, munyika maive negochani dzinogona kusvika zvikamu gumi kubva muzana, kana kuti 10%.

Kunyange hazvo ngochani dziri kunzi dziri kuwanda munyika, mitemo iripo pari zvino haitenderi kuroorana kwengochani idzi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Tobias Mudzingwa