SADC Yoita Musangano Kuzeya Zimbabwe neDRC

VaHakainde Hichilema naVaFelix Tshisekedi

Mutungamiri wenyika yeZambia VaHakainde Hichilema nhasi vakokera musangano wechimbi-chimbi kana kuti extraordinary SADC Troika kuti vazeye nyaya yesarudzo dzichangopera muZimbabwe uye mamiriro akaita zvinhu muDRC umo mune hondo.

Vamwe vapinda mumumusangano uyu mutungamiri wenyika yeTanzania Amai Samia Suluhu Hassan, mutungamiri weNamibia VaHage Geingob uye mutungamiri weDRC VaFélix Tshisekedi.

Vamwe vakuru vehurumende muZimbabwe vange vachitsika madziro kuti musangano wakadai uitwe. Izvi zvakapawo kuti Zimbabwe ikandirane makobvu nematete neZambia sezvo sachigaro wevaongorori vesarudzo veSADC Doctor Nevers Muba vakasarudzwa naVaHichilema. VaMumba vaimbova mutungamiri wenyika yeZambia.

Tayedza kubata mumwe mutauriri weSADC Amai Barbra Lopi asi vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Vebato rinopikisa reCCC vanoti vari kuda kuti munyika muitwe sarudzo itsva sezvo Zimbwbwe Electoral Commission yakakundikana basa. Vamwe vaongorori vesarudzo kubva kuAfrican Union, European Union nevamwe vakatiwo sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka.

Asi vachitaura kumusangano weUnited Nations General Assembly mutungamiri wenyika VaEmmrson Mnangagwa vakati sarudzo dzakafamba zvakanaka. VaMnangagwa vakabva vaitawo misangano kumucheto wemusangano uyu nevatungamiri vakaita saVaGeingob, mutungamiri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa, uye sachigaro weSADC vari mutungamiri wenyika yeAngola VaJoão Manuel Gonçalves Lourenço.

Mutungamiri weCC VaNelson Chamisa vanoti vanoda kuti paumbwe komiti inofanobata matomu kana kuti “Transitional Authority” Asi mutauriri weZanu-PF VaChris Mutsvangwa vaudza Studio 7 kuti sezvo VaMnangagwa vakadoma dare remakurukota, vave kungotarisa nyaya yekuzadzikisa zvavakavimbisa musarudzo kwete zvenhaurirano.

Muna 2008, mushure dzakadeurwa ropa zvakanyaya, SADC yakamanikida vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemutungamiri weMDC mushakabvu Morgna Tsvangirai kuumba hurumende yemubatanidzwa.

Hurukuro idzi dzakatungamirwa nevaive mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaThabo Mbeki.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Ricky Mukonza