Vanhu vapfumbamwe, 9, vakaurayiwa zvichitevera kudhirika kwemugodhi weBay Horse uri kuChegutu mudunhu reMashonaland West neChishanu mangwanani.
Mugodhi wegoridhe uyu unonzi uri pasi pemubatanidzwa wesangano reZimbabwe Miners’ Federation, iro rinotungamirwa naMuzvare Henrietta Rushwaya.
Mitumbi mina inonzi yanga yakwanisa kuburitswa mumugodhi uyu, uye mimwe mishanu yasara inonzi iri kunetsa kutora nekuti mugodhi uyu uri kuramba uchidhirika, zvinogona kuisa munjodzi zvikwata zviri kubatsira.
Munyori muhofisi yedunhu reMashonaland West, VaJosphat Jaji, vaudza Studio 7 parunhare kuti vanhu vasere vakwanisa kununurwa vari vapenyu, vachiti vamwe gumi nevatatu vakakwanisa kubuda vega pakadhirika mugodhi uyu neChishanu.
VaJaji vati basa rekununura vapenyu pamwe nekuburitsa mitumbi ranga richiri kuenderera mberi.
Gwaro rakaburitswa neZimbabwe Miners' Federation neChishanu raiti mumugodhi uyu maive nevashandi makumi mana nevaviri vaifungidzirwa kuti vakanga vavharirwa pasi.
Studio 7 yatadza kubata vakuru vesanganoreZimbabwe Miners Federation, pamwe negurukota rezvemigodhi, VaSoda Zhemu, avo vanzi vanga vari pamugodhi uyu vachiona basa rekununura vanhu nekuburitsa mitumbi ranga richiitwa.
Mukuru wesangano rinorwira kuchengetedzwa kwezviwanikwa, reCentre For Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti kunyange hazvo chiitiko ichi chichisiririsa, tsaona dzakadai dziri kuwanda nekuda kwekuti vazhinji vevave varidzi vemigodhi iyi havana ruzivo nezvebasa iri.
“Chinhu chatanga tichitarisira, uye chinhu chaticharamba tichitarisira kuti ticharamba tichinzwa nyaya dzakadaro munyika yose yeZimbabwe nechikonzero chekuti pari zvino mining yatorwa nevanhu vezvematongerwo enyika. Vasina ruzivo rwe mining, uye vasina rudo nevashandi vavo,” vanodaro VaMaguwu.
VaMaguwu vanotiwo migodhi mizhinji haisi kutariswawo nenyanzvi kuti ichakasimba here nezvimwe zvakawanda.
Muna 2019, vashandi vemumugodhi makumi maviri nevana, 24 vakashaya mushure mekunge mugodhi vakanga usisashanda wavaishandira zviri kunze kwemutemo wakazadzwa nemvura.
Your browser doesn’t support HTML5
Your browser doesn’t support HTML5