Mutungamiri webato riri kutonga reZanu PF zvekare vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vapika kuti hakuna kudzokorodzwa kwesarudzo kuchaitwa kana kuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa kana inofanibata matomu zvichitevera kushoropodzwa kwemaitirwo akaitwa sarudzo mwedzi wadarika, idzo dzinonzi nevamwe vanopikisa dzakabirirwa zvamhando yepamusoro.
Vachitaura nhasi pamusangano wewebato ravo weCentral Committee wechizana rine gumi nepfumbamwe, 119th, waitirirwa pamuzinda webato ravo muHarare, VaMnangagwa vati kurota kana pane vanofungidzira kuti sarudzo dzichadzokorodzwa, kana kuti kuchaumbwa hurumende yemubatanidzwa.
“Ukaona uchifufunga kuti kunogona kuitwa sarudzo itsva, kana kuti zvichida kuchaitwa hurumende yemubatanidzwa, kana kuti pachasarudzwa hurumende yakazvimirira inombofanofambisa basa, unofanira kuziva kuti uri kurota. Vanhu veZimbabwe vakasarudza vatungamiri vavanoda, naizvozvo, sarudzo yavo inofanira kuremekedzwa.”
Vati ivo bato ravo rava kuisa simba mukupundutsa nyika vachizvirova dundundu vachiti hurumende yeZanu PF yakashanda zvinonwisa mvura mumakore mashanu adarika, naizvozvo ichaenderera mberi nebasa mumakore mashanu ari kutevera.
Asi nhengo yebato guru rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, CCC, VaFelix Magalela Mafa Sibanda, vanoti mashoko ataurwa naVaMnangagwa aya anoratidza humbimbindoga hwavo pamwe nebato ravo.
“Kana vachiti zvekutaurirana havachadi, vave kuda kungotonga, izvozvo ndezvekugotsi kwatsuro. Nhaurirano ndiyo inogadzirisa zvose. Ngatigarei pasi toongorora kuti pane dambudziko here kana kwete; kana tikaona kuti dambudziko riripo, ndipo panozobuda mutauro wekuti toita hurumende yemubatanidzwa here kana kuti toita sei. VeZanu PF vanokanganwa kukosha kwenhaurirano, asi mucharangarira kuti hondo chaiyo yakapedzwa nekutaurirana kwakaitwa kuLancaster.”
Asi gurukota rinomirira dunhu reMidlands, VaLarry Mavima, vati sarudzo dzakatoitwa dzikapera.
“Zvesarudzo zvakadarika izvo, ikozvino tava kutotsvaga kuti tingapundutsa sei nyika yedu- vana vedu vangawana mabasa sei, nyika yedu ingabudirira sei. Zvesarudzo tozozviona 2028. Muchaona kuti tiri mugwara rakanaka ratiri kufamba naro rekusimudzira hupfumi hwenyika, tichitungamirwa naVaMnangagwa, saka ruzhinji ngarutarisire kuenderera mberi kwebasa rakanak iri.”
Gweta, uye vachiongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, Amai Jacqueline Sande, vanoti kutaura kwaVaMnangagwa kunoratidza kuti havana chido nenyika yeZimbabwe.
“Sarudzo yakaitwa mwedzi wadarika haina kuitwa zvakanaka nekuti kune mitemo yakawanda isina kutevedzerwa, naizvozvo tinotarisira kuti VaMnangagwa vadaidze
vamwe kuuya kuzoita hurukuro yekuti nyika ingaenderera mberi sei. Semunhu asiri kuda GNU kana hurumende inombofanofambisa basa, chavaikwanisa kuitawo, kana vaine zvido zvenyika pamoyo, kutaurirana nevamwe.”
Imwewo nyanzvi inowongorora zvematongerwo enyika, VaAlexander Rusero, vanoti Zimbabwe inoita seyakaroiwa neakafa, vachiti matambudziko ane chekuita nezvematongerwo enyika vanoona achienderera mberi.
“Zimbabwe ine hosha yaiinayo inoda kugadziriswa. Vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika muno, mutauro wavo ndewekungotukana, kusvotesana nekunyombana. Iyi ihosha yakatopindawo mune vanovatsigira, inotadzisa nyika kuti inge ichibudirira. Kupera kwayo kuchatoda kuti tese titange tafa, kozouya vatsva vachaziva kuti zvematongerwo enyika hazvidi kuvengana, asi kushanda pamwechete. Kana tisingadanani pachedu, hakunawo nyika ingazotida.”
Musangano weCentral Committee waitwa neZanu PF uyu wanga uri wekutanga kubva pakakunda bato iri musarudzo dzemwedzi wapera, idzo dzakashoropodzwa nevakawanda kusanganisira vemasangano akaongorora sarudzo anoti SADC, African Union, European Union neCarter Centre vachiti Zimbabwe Electoral Commission yakabika mbodza.
Ukuwo CCC inoti pamusoro pekuti ZEC haina kufambisa sarudzo idzi zvakanaka, sarudzo idzi dzakabiridzirwa nekudaro dzinofanirwa kudzokororwa kana kuti paumbwa hurumende inofanobata matomu.
Nyaya yesarudzo dzemuZimbabwe iyi yasimudzawo mutauro mudunhu reSADC zvichitevera gwaro rakaburitswa nechikwata cheSADC chakaongorora sarudzo, uye kuzeyiwa kwayo kumisangano yakaitwa neSADC svondo rino.
Your browser doesn’t support HTML5