Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rinoti harisi kuzoenda kudare reparamende mangwana uko mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanenge vachirivhura zviri pamutemo kuMt Hampden, Mashonaland West. Dare idzva iri rakavakwa nehurumende yeChina sechipo kuZimbabwe.
Murongi wemabasa mubato reCitizend Coalition for Change VaAmos Chibaya vaudza Studio 7 kuti, “ Isu hatisi kuzoenda nekuti vakabirira sarudzo.”
Your browser doesn’t support HTML5
Vaenderera mberi vachiti, “Kana vachida ngavaite havo musangano wavo wePolitiburo mudare reparamende imomo.”
Asi vachitaurawo neStudio 7, vanokokera mabasa mubato reZanu-PF VaPupurai Togarepi vaudza Studio 7 kuti veTripple C vakasauya kudare vachatorerwa matanho avasina kutaura. Vachipiindurawo mubvunzo weStudio 7, mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda vati vange vasati vasumwa nekudaro hapana chekutaura parizvino.
Your browser doesn’t support HTML5
VaMnangagwa vakazivisa kuburikidza nemutemo wechimbichimbi kana kuti Statutory Instrument 145 (1) kuti vachavhura dare iri zviri pamutemo mangwana sezvavanoti vanosungirwa kuita nebumbiro remitemo.
Vanoti vanofanira kutara zuva rekuvhura dare reparamende pasati padarika mazuva makumi matatu kubva sarudzo dzaitwa.
Mangwana matare maviri anoti reSenate neparamende anenge akabatana pachataurwa naVaMnangagwa. Mutevedzeri wemutauriri webato iri VaOstallos Siziba, vange vari parunhare muHarare.