Dhora reMunyika Roramba Richishaya Simba Zvopa Kuti Vakawanda Vanonge Svosve neMuromo

  • Jonga Kandemiiri

Dhora remunyika riri kuramba richishaya simba kana richienzaniswa nedhora rekuAmerica.

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti kushaya simba kuri kuramba kuchiitwa nedhora remunyika kana richienzaniswa nedhora rekuAmerica, uye kukwira kwemitengo yezvinhu, mucherechedzo wekuti zvinhu zvave kudzokera pazvinofanirwa kunge zviri mune zvehupfumi, kwete pazvaimanikidzwa nehurumende kuti zviende sarudzo dzisati dzaitwa.

Nhasi dhora rekuAmerica ratengeswa pamusika wemari yekunze weReserve Bank of Zimbabwe Foreign Exchange Auction nemadhora emunyika zviuru zvishanu nemazana mashanu ane makumi mapfumbamwe nemaviri, kana kuti US$1.00 to ZWL$5, 592.00.

Dhora remuAmerica riri kusimba zuva nezuva,

Svondo rapera dhora rekuAmerica rakatengeswa nezviuru zvishanu nemazana mashanu nemaviri emunyika.

Izvi zviri kuuya panguva iyo hurumende iri kuzvirova dundundu ichiti hupfumi hwenyika huri kukura.

Asi vamwe vanoti rine manyanga hariputirwi, chokwadi chave kubuda chega.

Munyori mukuru werimwe sangangano revashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti kushaya simba kwedhora remunyika kunorevawo kushaya simba kwemihoro yevashandi zvinozoitawo kuti vatadze kutenga zvavanoda.

Vanoongorora zvehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanotiwo kushaya simba kwedhora remunyika kwakatotanga kuonekwa mwedzi wapera kuburikidza nekukwira kwemitengo munyika.

Nyanzvi mune zvehupfumi uye vakambotungamira sangano reConfederation of Zimbabwe Industries, Doctor Callisto Jokonya, vanotiwo kudzikira kwezvigadzirwa zvemunyika kwadzikira zvakanyanya uye kutengwa kwezvinobva kunze kuri kuwanda kudarika zviri kubuda munyika.

Vakawanda vanonzi vave kurarama nehwakumukwaku.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute, Doctor Prosper Chitambara, vanoti kushaya simba kwedhora remunyika kunogona kunge kuri kukonzerwa nekubhadharwa kuri kuitwa nehurumende zvainotenga pamwe nemihoro yevashandi vayo nemadhora emunyika.

Saka izvi zvingagadziriswa sei? Doctor Chitambara vanoti hurumende inofanirwa kudzora tsvimbo pamashandisiro ainoita mari.

"I think panofanirwa kuve ne fiscal discipline, uyewo kuunza mamwe ma institutional reforms anounza confidence mu local economy, confidence mu local currency."

Zimstat yakazivisa svondo rapera kuti inflation, kana kuti kukwira kwemitengo yezvinhu, mumwedzi waGunyana yakasvika pazvikamu gumi nezvisere nezviga zvina kubva muzana, kana kuti 18.4 percent, zvichienzaniswa nemwedzi waNyamavhuvhu apo inflation yaive pazvikamu makumi manomwe nezvinomwe kubva muzana kana kuti 77 percent.

Asi izvi hazvirevi kuti inflation yakadzikira.

ZimStat

Zimstat yakazivia kuti yakasiya nzira yekupima nayo inflation yayaishandisa kare ichitora itsva yayave kushandiswa pari zvino yainoti inoshandidzana zvakanaka nedhora rekuAmerica.

Asi vamwe vanoti uku kuedza kunzvenga mumvuri nekuti kana dai hurumende yakashandisa nzira dzipi, inflation icharamba ichikwira kusvika patsvagwa nzira dzinoimisa zvachose.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Jonga Kandemiiri