CCC Inoti Zvekuda Kudzinga Nhengo dzeParamende dzeBato Iri Mabasa eZanu-PF neVasori

Nelson Chamisa

Mumwe ari kuzviti ndiye munyori mukuru mubato rinopikisa reCitizenz Coalition for Change VaSengezo Tshabangu vanyora tsamba kumutauriri wedare reparamende negurukota rezvematunhu vachida kuti vamwe vamiriri vebato iri mudare reparamende nemumakanzuru vadzingwe. Asi veCCC vanoti aya mabasa evasori.

Mutsamba yavo, VaTshabangu vati vari kuda kuti kudzingwe nhengo dzedare reparamende gumi neshanu uye makanzura mapfumbamwe. Nhengo dzedare reparamende dzavanoti dzinofanira kudzingwa dzinosanganisira VaPashor Raphael Sibanda vekuCowdray Park, VaEreck Gono vekuLobengula-Magwegwe, VaObert Manduna vekuNketa nevamwe.

Pavabvunzwa neStudio 7 kuti simba rekuita izvi vari kuriwana kupi, VaTshabangu vati vakasarudzwa nematunhu avasina kudoma.

Asi mutevedzeri wemutauriri weTripple C VaOstallos Siziba vaudzawo Studio 7 kuti VaTshabangu havasi nhengo yebato ravo.

Mumashoko kuvatori venhau, VaSiziba vatiwo zviri kuitwa izvi mabasa eZanu-PF. Asi mutauriri weZanu-PF VaFarai Marapira vati vari kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya.

Vamwe vari kupomerwa mhosva yekushanda naVaTshabangu vasori veCIO vanonzi vanoshanda nesangano reForever Associates of Zimbabwe kana kuti FAZ. Asi mukuru wesangano iri vanoti havadyidzane nevasori VaFarai Munsaka varamba kuti vari kupindira pane zviri kuitika muCCC.

Mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda vaudza Studio 7 kuti vatambira tsamba kubva kuna VaTshabangu asi vakati zviri kuTripple C kuti ipe humbowo kuti haivazive.

Nyaya yekudzingwa kwengengo dzedare reparamende iyi yave nemakore ichiitika munyika sezvo mutungamiri weMDC-T VaDouglas Mwonzora vakadzinga nhengo dzeMDC Alliance mushure mekunge dare rati ndivo vainge vari mutungamiri chaiye webato iri kwete VaNelson Chamisa.

Vamwe vakadzingwa inhengo dzebato rePDP nemumwewo aizviti ndiye munyori mukuru webato iri kunyangwe vatungamiri vaiti havamuzive.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Evans Zininga