Hurumende inoti ine tarisiro yekuti huwandu hwedonje richakohwewa mwaka uno, huchawedzera zvakapetwa kaviri kudarika donje rakawanikwa mumwaka wadarika.
Asi varimi vedonje vanoti chido chehurumende ichi chakanaka, asi chinonetsa kuzadzisa.
Vachitaura neStudio 7 nhasi muHarare pagungano rekupemberera zuva rekukosha kwedonje, reWorld Cotton Day, rarongwa nekambani yeCottco, gurukota rinoona nezvekurima, VaAnxious Masuka, vati hurumende iri kuita zvose zvinodiwa kuti donje richarimwa gore rino, ringe rakawanda chose.
Vati, “Kurimwa kwedonje kwanga kwadonha, kubva mumakore a2014 na2015, asi hurumende yakazopindira ikatanga kupa vanhu zvikwanisiro zvemumunda.”
Vaenderera mberi vachiti, “Ikozvino Cottco yava kumuka, uye kambani iyi ichapedzisira yava yehurumende yose, tichitarisa hurongwa hwatinahwo, zvinova zvichabatsira. Zvinogoneka kuti tisimuke mwaka uno, nekuti tava kuita donje repfumbvudza, ndiko saka tiri kukururdzira varimi kuti vachere makomba avo mwedzi uno usati wapera.”
Asi murimi wedonje kuMt Darwin, VaTanunurwa Mandaza, vanoti vari kusangana nematambudziko akawanda mukuririma, zvinova zvinowodza moyo. VaMandaza vaudza Studio 7 kuti , “Makare uko taive tisina matambudziko akanyanya, asi mazuvano awanda, uye anosanganisira kunonoka kubhadharwa mari dzedu.”
Vatizve, “Dai zvakwanisikawo, mari inotengwa nayo donje yawedzera kusvikawo pa US$0.90 kana pa US$1, tikwanisewo kuita zvinobatika nemari iyi zvakafanana nekuvaka, kana kuendesa vana kuzvikoro. Gore rapfuura takatengesa nema US$0.46. Asi mishonga yanga isiri dambudziko.”
Varimi vedonje vanga vachitengesa chirimwa chavo nemari yekuAmerica inokwana masenzi ari pakati pe makumi matatu nemashanu (35c) paKG, kusvika pamasenzi makumi mana nematanhatu (46c) paKG.
Mumwewo murimi wedonje kuShamva, Amai Happiness Marapi, vanokurudzira vamwe varimi kuti vapindewo mukurima donje. Amai Marapi vati, “Donje ndakatanga kuririma kare, uye rinondibatsira pakuti ndinowana mari yekuendesa vana kuchikoro, nekubhadharawo zvimwe zvandinenge ndichida kubhadhara.” Vaenderera mberi vachitiwo, “Ndinokurudzira vamwe varimi kuti vauye tirimi chirimwa ichi, chine zvakawanda zvachinotipa sedungamunhu, uye senyika.”
Mukuru weZimbabwe Farmers’ Union, VaPaul Zacharia, vanoti varimi vedonje havasi kufara, naizvozvo muono wehurumende wekuwedzera huwandu hwedonje mwaka uno, hwunogona kutadza kuzadzikiswa.
VaZacharia vati, “Chichangoita kuti varimi vadzokere muminda ndechekuti vanenge vapiwa zvinhu zvakaita semafotiriza nembeu, asi kuti vanorima vachifara here, kwete.” Vatizve, “Saka hatingati kurima donje ibhizimusi, nekuti hakuna bhizimusi risingabhadharwi murimi kusvika kune mumwe mwaka.
Dai zvaikwanisika, hurumende yaita kuti mabhanga akwanise kuwanisa varimi vedonje mari, sezvaingoitika makare- izvi zvinobatsira kuti vakwanise kuvandudza donje ravo, vasangoritengesa richibva mumunda rakadaro- zvinova zvinovapawo mari yepamusoro.”
Asi VaMasuka vadzokazve vakati hurumende ichaita kuti varimi vese vasati vawana mari dzavo dzemwaka wapera, vabhadharwe dzese panopera mwedzi uno. Doctor Masuka vati, “Cottco ichiri kumuka, haisati yava kukwanisa kubhadhara varimi vese ipapo ipapo, asi ndinovimba kuti panopera mwedzi uno, mari inokwana U.S$8mill yakasarira, ichange yabhadharwa.” Vatiwo, “Asi tichienda mberi, nekuti kambani iyi yave kuita basa rakawanda, tinotarisira kuti varimi vachange vave kupiwa mari yakakwirira, uye nenguva. Hurumende icharamba ichikurudzira kuti varimi vedonje kuti vadzokere mumunda.”
Mhemberero dzeWorld Cotton Day dzinopembererwa musi wa7 Gumiguru gore rega-rega kunyange hadzo dzaitwa nhasi muZimbabwe.