Munyika makaita mutauro wakanyanya merdzi wapfuura mushure mekunge tsvarakadenga Brooke Bruk Jackson ane makore makumi maviri nerimwe adomwa kuva Miss Universe Zimbabwe. Aka ndekekutanga munhoroondo yenyika kuti tsvarakadenga yechichena isarudzwe kumirira Zimbabwe kumakwikwi eMiss Universe muna Mbudzi.
Pakava nemutauro wakanyanya apo Bruk-Jackson akadomwa kuti ndiye akakunda mumakwikwi eMiss Universe Zimbabwe vamwe vachiti Zimbabwe haingamirirwe kumakwikwi aya nemuchena, asi vamwe vachiti rusaruraganda harubvumidzwe nebumbiro remitemo yenyika.
Mitemo yenyika inoti Bruk-Jackson chizvrwa cheZimbabwe nokudaro ane kodzero yekumirira nyika zvisineyi nerudzi rweganda rake.
Bruk Jackson ari kuenda kunosimudza mureza weZimbabwe kumakwikwi eMiss Universe ari kuitirwa kuEl Salvador musi wa 18 Mbudzi.
Zimbabwe yange yave nemakore makumi maviri nemaviri isina kutumira tsvarakadenga kumakwikwi eMiss Universe.
Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano reMiss Universe Zimbabwe, Muzvare Tamia Chawaguta, vanoti vanonzwa kufara nekusarudzwa kwetsvarakadenga iyi uko kwavanoti kunoratidza kuti Zimbabwe haina rusaruraganda uye vane chivimbo chekuti achakunda.
Kunyange hazvo vamwe vari kunyora pamadandemutande vachiti muchena haangakwanise kumiririra nyika, vakawanda vari kutwoi sechizvarwa cheZimbabwe hapana chinotadzisa Bruk-Jackson kusimudza mureza wenyika ine rukuvhute rwake sezvakaitwa nevamwe vakaita saKirsty Coventry kumaOlympics, mushakabvu Heath Streak kuCricket uye mhuri yekwaBlack inoti Byron, Cara naWayne kuTennis.
Bruk-Jackson anoti ane chivimbo chekuti achatora mukombe weMiss Universe.
Bruk-Jackson anotiwo anotarisira kuzoshanda nevechidiki pamwe nemadzimai ari mumabhizimisi kusimudzira mabasa avo. Ayambirawo vasikana vechidiki kuti rudzi, mutauro, zera, kuti uri mukadzi kana murume, hazvifanirwe kumisa budiriro yavo.
Vanotungamira chirongwa che Miss Universe Zimbabwe, Muzvare Tendai Hunda, vaudzawo Studio 7 kuti vanofara chose nemashandiro ari kuita Bruk-Jackson mugadziriro yemakwikwi aya.
Bruk-Jackson akaberekwa mugore ra 2002. Akaita zvidzidzo zvake zvekutanga paChisipite Junior ne Chisipite High. Akazoenda kuSouth Africa uko akandodzidzira zverunako kana kuti Beauty Therapy kuCape Town.
Akapedzisira kumiririra Zimbabwe kumakwikwi eMiss Universe ndiTsungai Muswerakuenda ku Puerto Rico muna 2001.
Pari zvino, chizvarwa chemuAmerica R'Bonney Gabriel ndiye Miss Universe.
Zimbabwe handiyo chete iri kudzoka kumakwikwi aya kwapera makore akawanda sezvo kuine nyika dzakaita seBangladesh, Demark, Egypt, Norway, Ireland nedzimwe dzange dzisiri kupinda mumakwikwi aya.