Mumiriri weAfrican Union muAmerica Okurudzira Kuti Zimbabwe Ipinzwewo muAGOA neAmerica

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

African Union Ambassador To Washington Hilda Suka-Mafudze

Mumiriri wesangano reAfrican Union muAmerica Ambassador Hilda Suka-Mafudze vanoti vari mushishi kuita hurukuro nehurumende yeAmerica kuti ikwanise kuwedzera huwandu hwenyika dzainodyidzana nadzo pasi pechirongwa chehupfumi cheAfrican Growth and Opportunity Act (AGOA).

Chirongwa ichi chinopa nyika dzemuAfrica mukana wekutengesa zvigadzirwa dzazvo muAmerica pasina mitero uye chakaparurwa muna2000.

Parizvino nyika dziri muchirongwa ichi dzinosvika makuymi matatu nesere kana kuti (38) dzichisanganisira South Africa, Zambia, Mozambique nedzimwe asi Zimbabwe inyika yedzimwe chisiri muchirongwa ichi.

Ambassador Suka-Mafudze vanoti shuwiro yavo ndeyekuti nyika yeZimbabwe ipindewo muchirongwa ichi kuitira kuti hupfumi hwenyika husimbaradzwe.

America inoti zvinonetsa kudyidzana neZimbabwe pasi peAGOA sezvo iri kuti hapana zvizhinji zvachinjwa nehurumende munyaya dzekodzero dzevanhu zvinova zvinokosheswa zvakanyanya muchirongwa ichi.

Kusafambiswa zvakanaka kwakaitwa sarudzo nesangano re Zimbabwe Electoral Commission kunonzi nevakuru muAmerica kunonetsa kuti pawane anotsigira Zimbabwe kuti ipinde muAGOA.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanogara havo vachiti vanoda kudyidzana nenyika dzose asi zvikanetsa vanotarisa kumabudazuva.

Ambassador Suka-Mafudze vanoti pachange paine musangano mukuru wekuzeya nezve AGOA muSouth Africa muna Mbudzi uye vanetarisiro yekuti nyaya yekuti Zimbabwe nedzimwe nyika dzemu Africa dzisiri muchirongwa ichi dzipinzwewo ichazeyiwa.

"Tinotarisira kuti Zimbabwe nedzimwe nyika dzemu SADC dzisati dzave muchirongwa cheAGOA dziwane mukana wekupindawo uye kana pane zvinetswa zvinoda kugadziriswa zvigadziriswe," Ambassador Suka-Mafudze vaudza Studio 7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Hilda Suka-Mafudze