Bato reZanu PF rinonzi rave kuronga kushandisa mapurisa eZimbabwe Republic Police kuti rikwanise kutora motokari dzaro kubva kunhengo dzakakwikwidza dzakakundwa musarudzo dzichangobva kuitwa.
izvi zvinonzi zvinotevera kusateererwa nedzimwe nhengo kwekurudziro yakaitwa nebato iri mukupera kwemwedzi wapera kuti vose vakakundwa musarudzo vakanga vapiwa motokari nebato dzekuti vashandise vadzose.
Munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF, VaObert Mpofu, svondo rapera vakanyorera kunhengo dzese dzakakundwa musarudzovachidzivisa nezvehurongwa uhwu.
Nezuro Chishanu, munyori weZanu PF mudunhu reHarare, VaMunyaradzi Mukondiwa, vanonzi vakanyorera VaMpofu vachivazivisa kuti panhengo makumi maviri nenhanhatu (26) dzakapiwa motokari idzi muHarare, nhengo sere (8) chete ndidzo dzakakanga dzateerera kurudziro yavo pakupera kwezuva nemusi weChina, zvichireva kuti dzimwe gumi nesere (18) dzakanga dzisati dzatevera kurudziro iyi.
VaMukondiwa vakayambirawo kuti vachamanikidzwa kushandisa mapurisa kuti motokari idzi dzidzoke.
Studio 7 yaedza kubata vamwe vevane mazita akaburitwa nedunhu reHarare kuti havasati vadzosa dzimotokari idzi asi vamwe nharembozha dzavo dzanga dzisiri kudairwa.
Mumwechete adaira nharembozha yake aramba kutaura nesu nezvenyaya iyi achibva adzima nhare yake.
Hatina kuwanisa kubata VaMukondiwa, kanawo mushandi mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira pamwe nasachigaro vedunhu reHarare, VaGodwills Masimirembwa kuti tinzwe kana paine vadzosa dzimotokari idzi kusvika nhasi.
hatina kukwanisawo kubata munyori anoona nezvekutakurwa kwezvinhu muZanu PF, VaJuly Moyo, kuti tinzwe kana paine zvibvumirano zvakanyoreranwa pasi nenhengo idzi, uye kuti tinzwe kuti mune mamwe matunhu zvakamirawo sei.
Zanu PF inonzi yakagovera motokari dzinosvika kumazana maviri negumi kunhengo dzose daikwikwidza musarudzo dzevamiriri veparamende.