VaMudenda Voramba Kubuda Pachena Kuti Vakapihwa Tsamba Here neCCC Ichipikisa Kuda Kudzingwa kweNhengo dzeBato Iri Mudare reParamende

VaJacob Mudenda

Bato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change rinoti rakanyora tsamba kumutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda richivazivisa kuti vari kuda kudzinga nhengo dzedare reparamende vachizviti munyori mukuru webato iri VaSengezo Tshabangu havana simba rekuita izvi.

Vanokokera bato reCCC mudare reparamende VaAmos Chibaya vaudza Studio 7 kuti vakaendesa tsamba iyi kuna VaMudenda.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaAmos Chibaya

VaMudenda pavabatwa neStudio 7 havana kuda kubuda pachena kuti vawana tsamba kubva kuCCC here kana kuti kwete kunyangwe pavakapihwa tsamba naVaTshabangu vakatenda kuti yainge iri mumaoko avo.

VaTshabangu vakanyora tsamba vachida kudzinga nhengo dzeparamende gumi nenomwe uye makanzura gumi nemanomwe eCCC. Bato reCCC rinoti ibasa reZanu-PF nevasori.

Asi vose ava vari kuramba mhosva iyi vachiti kurwisana kwemubato iri. VaTshabangu vati havasati vanzwa kubva kuna VaMudenda kubva zvavakavanyorera tsamba.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSengezo Tshabangu