Vamwe muHurumende Vanonzi Vave Kuda Kuti Mugodhi weBay Horse Ungova Rinda reMitumbi Yakadhirikirwa

Muhurumende munonzi maita kusawirirana padanho rekutora pamitumbi yevanhu vakawirwa nemugodhi vachichera goridhe kuChegutu mazuva gumi adarika. Vamwe vari kukurudzira kuti mugodhi uyu ungofushirwa robva rangova rinda.

Vane ruzivo nezviri kuitika mubazi rezvemigodhi vanoti vamwe vari kukurudzira kuti hurumende ikumbire nyanzvi kubva kumamwe makambani makuru kuti dziuye kuzobatsira sezvo chikwata chakambotumwa nehurumende chakangoti kupinda mumugodhi umu injodzi huru. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemigodhi VaSoda Zhemu uye tayedza kuvatumira mubvunzo paWhatsApp asi vange vasati vapindura.

Mutungamiri werimwe sangano revashandi vemumigodhi reNational Mine Workers Union of Zimbabwe VaKurebwa Javangwe Nomboka vati vakatumira chikwata svondo rapera kunoona zviri kutika pakuyedza kuburitsa mitumbi asi vakaona kuti hapana zvizhinji zviri kuitwa nehurumende.

Kusvika parizvino hapana anoziva kuti mumugodhi umu mune mitumbi mingani sezvo vanhu vaingopinda vasina kunyorwa mazita sezvinokurudzirwa pamutemo.

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko VaJenfan Muswere vakati hurumende yainge yatora kudhirika kwemugodhi uyu sedambudziko rainopindira kana kuti “national disaster.”

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukueo naVaKurebwa Javangwe Nomboka