Apo kurwisana pakati peIsrael neHamas yekuPalestine kwapinda muzuva rechina, dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti kurwisana uku kwakaregererwa kuchienderera mberi kunogona kukanganisa kugadzikana kwedunhu reMiddle East rese.
Nyanzvi idzi dzinoti izvi zvinogona kuzokanganisa nyaya dzehupfumi hwenyika dzakawanda dzepasi rose, kusanganisirawo Zimbabwe, sezvo dzakawanda dzichiwana mafuta edzimotokari nezvimwe zvekurimisa kubva kunyika dzemudunhu iri.
Nyanzvi mune zvehupfumi pamwe nekudyidzana kwenyika dzapasi rose vachidzidzisa paDevry University muno muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti hondo iyi inotobata vavakidzani veIsrael vakaita saana Iran, Lebanon neSaudi Arabia, avo vanozivikanwa kuti vanodyidzana neZimbabwe zvikuru.
"Nzvimbo iyoyo yakakosha zvakanyanya nekuti ndiko kunobva mafuta edhiziri nepeturu. Saka hazvishamisi kuti mazuva mashoma ari kutevera dhiziri nepeturu zvichange zvichikwira mutengo," Muzvinafundo Masocha vanodaro.
Imwe nyanzvi mune zvehupfumi nemaindasitiri uye vakambotungamira sangano reConfederation of Zimbabwe Industries, Doctor Callisto Jokonya, vanotihazvishamise kuti mutengo wemafuta unogona kukwira zvakare uye nyaya dzekurima dzichakanganisikawo.
"Kana yatinoti cost of production yezvinhu zvatinogadzira muno muZimbabwe inobva yakwirawo futi. Tikatarisa agriculture production kubva kuIsrael iri pamusoro kudarika dzakawandawanda, ende tanga tichiwana zvinhu zvakawanda kubva kwavari," Docto Jokonya vanodaro.
Doctor Prosper Chitambara, avo vanoshanda nesangano reLabour And Economic Development Research Institute, vanoti Israel inogadzira zvinhu zvinosanganisira zvemagetsi, zvehumhizha nehumhetura mukufambiswa kwemashoko, pamwe nechikafu, vachiti hondo iyi inoita kuti kufambiswa kwezvinhu izvi kukanganisike izvo zvinozokwidza mitengo yazvo kana kukonzera kushaikwa kwazvo.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vari mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe, vanoti hondo iri pakati peIsrael neHamas inogona kuderedza zvombo zvekushungurudza nazvo vanhu zvinotengwa nehurumende yeZimbabwe kubva ku Israel, zvakaita semotokari dzinodira mvura inovava, utsi hunokachidza, pamwe nezvimwe zvinoshandiswa mukubiridzira sarudzo.
Mashoko akaburitswa ne United Nations COMTRADE anoratidza kuti mugore rapera ra 2022, hurumende yeZimbabwe yakatenga kubva kuIsrael zvinhu zvinokosha US$3.76 Million, zvinosanganisira michina yekudziridzisa, yemumahofisi, mbeu pamwe nezvikwanisiro mukutepfenyurwa kwenhau.
Asi Zimbabwe inonzi inotengawo kubva ku Israel zvombo uye inotengesawo mangoda nezvimwe zvicherwa kunyika iyi.
Muna 2021 Israel inonzi yakatengawo zvinhu zvinokosha US$1.12M kubva kuZimbabwe, zvikuru zvacho zviri fodya, mhiripiri nemarasha.
Mugore rimwechete Zimbabwe inonzi yakatengeserawo Palestine zvinhu zvinokosha US$1.93 million, chikuru chiri fodya. Palestine inonzi yakawanisawo Zimbabwe vanachiremba.
Hondo iyi inonzi yauraya pamwe nekukuvadza vanhu vakawanda mu Israel, muGaza Strip pamwe nemuPalestine.
Your browser doesn’t support HTML5