Vanhu Vanodarika Zviuru Zviviri Kusanganisira vemuAmerica Vafa muHondo yeIsrael neHamas.

Huwandu hwevanhu vari kufa muhondo pakati peIsrael nezvikwata zvemuPalestine zvinoti cheHamas neIslamic Jihad huri kurambba huchiwedzera. Pane vafa pane zvizvarwa zveAmerica makumi maviri nevaviri.

Pave kutyirwawo kuti chikwata cheHezbollah chiri muLebanon chinogona kurwisawo Israel zvakasimba sezvo chatanga kukanda zvombo nemuchadenga. Gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika yeAmerica vaLlody Austin vati mauto emuAmerica ane hunyanzvi ari kushanda neIsrael.

An Israeli army self-propelled howitzer fires rounds near the border with Gaza in southern Israel, Oct. 11, 2023.

Vanhu vafa muIsrael vanonzi vadarika chiuru chimwe chete nemazana maviri kana kuti 1200, muGaza mafa vanhu vanodarika chiuru chimwe chete nemakumi mashanu nemashanu kana kuti 1, 055 kubva zvatanga hondo nemusi weMugovera.

United Nations inoti vanhu zviuru mazana maviri nemakumi matanhatu nematatu kana kuti 263,000 vaenda muhupoteri muGaza.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaCalvin Manduna vari kuita zvidzidzo zvepamusoro soro paHoward University muno muAmerica vanoti hapana zviri kuratidza kuti hondo iyi inopera nechimbi chimbi sezvo paine vari kukuchidzira moto kuti kurwisana kuenderere mberi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaCalvin Manduna