Vakawanda Vofa muIsrael neGaza Asi Nyika Dzine Masimba Dzichikakavadzana.

Israel Palestinians US

Vanhu vafa muIsrael nemuGaza vadarika zviuru zviviri uye vakuvara vachidarika zviuru zvitanhatu kana kuti 6000.

Izvi zviri kuuya apo nyika dzine masimba pasi rose dzisiri kuwirirana kuti hondo iyi yopedzwa sei.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAnthony Blinken avo vari muIsrael parizvino umo vaita musangano nemutungamiri wehurumernde wenyika iyi VaBenjamini Netanyahu vati Israel inokodzero yekurwisa ichizvidzivirira.

Izvi zviri kutsigirwa nenyika dziri muEU. Asi veRussia neChina vari kutsigira Hamas. Vamwe vanoti panofanira kutsvagwa nzira dzekuti nyika idzi dzigarisane murunyararo Israel ichidzora mamwe matunhu avanoti yakapamba kana kuti “Two State Solution.”

Mangwana, Brazil inova mutungamiri weUnited Nations Security Council yakokera musangano wekuzeya hondo pakati peIsrael neHamas.

United Nations inoti vanhu zviuru mazana matatu nemakumi mana kana kuti 340, 000 vamanikidzwa kupinda muhupoteri. Hamas inonzi yakapamba vanhu vanodarika zana nemakumi mashanu 150 kusanganisira zvizvarwa zveAmerica.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachiona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reSouthern Africa Liason Office kana kuti SALO VaMunjodzi Mutandiri vati zvakakosha kuti nyika dzakaita seAmerica, China neRussia dzibatane nekuti dzikasadaro vanhu vanopera rumwe rumwe.