SADC Inoti Vari Kuchema-chema neSarudzo Ngavakwidze Zvichemo Zvavo kuMatare Ari muNyika

Zvikwata zveeSADC neCOMESA zvakaongorora sarudzo muZimbabwe

SADC inoti vari kuchema chema nesarudzo ngavakwidze zvichemo zvavo kumatare edzimhosva ari munyika.

Izvi zviri kubva kusangano reSADC Election Observation Mission kana kuti SEOM, iro rakaongorora mafambiro akaita sarudzo munyika mugwaro raro rekupedzisira iro rakasvitswa kubazi rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika nemusi weChina.

Zvichienderana ne Section 11 (8) (2) inobata sarudzo, ye SADC Principles and Guidelines, Zimbabwe inogona kugamuchira kurudziro yakaitwa nechikwata chakaongorora sarudzo idzi nechinangwa chekuwandudza kubatwa kwesarudzo dzinotevera, asi haimanikidzwi kuita izvi.

Chikwata chakaongorora sarudzo dzemusi wa23 Nyamavhuvhu, icho chaitungamirwa nevakambowe mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeZambia, VaNevers Mumba, chakati Zimbabwe inogona kuzivisa sachigaro webandiko rinoona nezvematongerwo enyika musangano iri, re SADC Organ on Politics, Defense and Security, nezvekuwandudzwa kwemabatirwo esarudzo kana ichida.

Asi gwaro reSADC iri raodza mwoyo yeruzhinji rwevana veZimbabwe avo vanga vakatarisira nemaziso matsvuku kuti kuitwe sarudzo itsva munyika sezvo SADC yakanga yati sarudzo dzakaitwa munyika aiwe mahumbwe.

bato reCCC riri kuti sarudzo dzakabirirwa.

Chimwe chezvizvarwa zveZimbabwe changa chakatarisira kuti kuchabatwa sarudzo itsva munyika mushure mekurudziro yeSADC ndiVaSimbarashe Mombeyarara.

“Kana SADC yatirasa sezvaitika izvi, isu vana veZimbabwe takatofanira kusimuka nemakumbo kuti titore matanho kuti tisimudze nyika yedu.”

Asi vachitsanangura basa rechikwata chakaongorora sarudzo, muongorori wenyaya dzezvematongerwo enyika uye vari chipangamazano wemumiriri weAlgeria muZimbabwe, VaGibson Nyikadzino, vaudza Studio7 kuti chikwata ichi hachina simba rekuudza Zimbabwe zvekuita.

“SADC Election Observer Mission haina simba rekuti inoisa zvidiso zvayo pane zvinenge zvabuda musarudzo dzinenge dzaitwa kana mune zvinenge zvadanidzirwa nevanofambisa nezvekuona kuti maresults emaelections abuda fanike Zimbabwe Election Commission.”

Vaenderera mberi vachiti vana venyika yechipikirwa kana kuti mapato ezvematongerwo enyika anenge achipokana nezvakabuda musarudzo ndivo chete vangaenda kumatare edzimhosva kuti aite mutongi maenzanise, kwete vabvakure.

“Vanhu vari kunzwa kuti pane zvakakanganisika vaenda kumatare edzimhosva vanoita atinoti macourt challenges. Saka pari zvino hazviiti. Hapana kwazvakamboitika kwekuti boka rinenge SADC ringadzosa zvakasarudzwa nevanhu.”

Asi murwiri wekodzero dzevanhu uye vachisanda nesangano reZimbabwe Network for Social Justice, kana kuti ZimJustice, VaTendai Ruben Mbofana, vanoti igaroziva kuti mhanza yembudzi iri mumabvi.

“Zvatanga takatotarisira ndizvo zvakatobuda izvozvi zvekuti vachangoti zvakaonekwa zvakakanganisika pasarudzo dzakaitwa idzi munaAugust, ngazvichigadziriswa takatarisa sarudzo dza2028. Zvatopfuura zva2023, SADC yatopedza nazvo.”

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa.

Asi mukuru wezvidzidzo zvevanhu kana kuti Academic Manager for the Faculty of Humanities paTshwane University of Technology muPretoria, South Africa, Muzvinafundo Ricky Munyaradzi Mukonza, vanoti pakafanirwa kutsvagwa nzira dzekumanikidza Zimbabwe kuwandudza mabatirwo esarudzo munyika sezvo pave nemakore kusina zviri kushanduka.

“Saka, dai paine nzira yekuti izvo zvaonekwa, hurumende yeZimbabwe imanikidzwe, iwane mamanikidirwe ainoitwa kuti igone kuita gadziridzo idzodzo dzinoda kuti dziitwe.”

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende maringe nenyaya iyi sezvo gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFredrick Shava, vanga vasingadaire nharembozha yavo kusvika taenda pamhepo.

Vachipindurawo pamusoro pegwaro rekupedzisira reSADC iri, mushandi mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira vanoti.

Mutevedzeri wemukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reCitizens Coalition for Change kana kuti CCC VaOstallos Siziva vatiwo.

“Togadzirisa kuti tiite sungawirirano pakati pemapato ezvematongerwo enyika, dzikereke, vana vechikoro neruzhinji rweZimbabwe kuti togadzirisa sei nyaya yesarudzo dziri kuitwa zvisiri pamutemo such that we are able to cure and permanently resolve problem iri kuitika muZimbabwe when it comes to elections.”

Vamwe vanoona nezvematongerwo enyika vakanga vagara zvavo vachikurudzira vari kupikisa zvakabuda musarudzo kuti vaende kumatare edzimhosva, asi vachiti matare edzimhosva acho ari muhapwa dzeZanu PF nekudaro hazvina zvazvinobatsira.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Shingirai Madondo