Zimbabwe Inocherechedza Zuva reInternational Day of Rural Women Bazi Rinoona nezveMadzimai Richiti Donzvo Raro Kusimudzira Madzimai

Madzimai ekumaruwa ekwaSeke.

Zimbabwe yacherechedza nekupemberera zuva rekukosha kwemadzimai ekumaruwa neMugovera, reInternational Day of Rural Women, iro rinochechedzwa nepasi rose musi wa 15 Gumiguru gore roga-roga.

Bazi rinoona nezvemadzimai rakatungmirirwa negurukota Amai Monica Mutsvangwa, raita mabiko ekucherechedza zuva iri pamushandirapamwe weMuteyo Value Addition Cooperative Centre uri muWard 25 kumaruwa eChiredzi mudunhu reMasvingo.

Amai Mutsvangwa vaudza Studio 7 nerunhare kuti vasarudza nzvimbo iyi nekuona mabasa ari kuitwa nemadzimai akaumba mushandirapamwe uyu uye bazi ravo pamwe nevamwe vanotsigira zvirongwa zvekusimudzira madzimai vapa madzimai aya muchina wekupurisa mhunga.

Pamusoro pezvo, bazi ravo rakacheresawo mugodhi pamwe nekuisa magetsi ezuva.

Amai Mutsvangwa vati idonzvo rebazi ravo rekuona kuti madzimai asimudzirwa munyika yose aite zvaanokwanisa kubata nemaoko avo.

Dingindira regore rino rinoti “Rural Women Cultivating Good Food for All,” uye rakanangana nekusimudzira basa rinoitwa nemadzimai ekumaruwa rekuwanisa vanhu chikafu chakanaka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMai Monica Mutsvangwa