Vatori veNhau Gumi neVaviri (12) Vafa muHondo yeIsrael neHamas

Mourners attend the funeral of fellow journalists Said al-Taweel and Mohammed Sobboh who were killed in an Israeli airstrike on Gaza City on Oct. 10, 2023.

Sangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwekodzero dzevatori vanhu reCommunity to Protect Journalists rinoti vatori venhau gumie nevaviri vaurayiwa nekuda kwehondo pakati peIsrael neHamas yekuPalestine.

Vamwe vatori venhau vaviri vakatsakatika uye vamwe vasere vakakuvara. Vanhu vemuGaza zviur zviviri nemazana matatu kana kuti 2,300 vafa muGaza. MuIsrael mafa vanhu chiuru chimwe chete nemazana matanhatu kana kuti 1600.

Israel Palestinians Lebanon

Asi huwandu uhu huri kutarisirwa kuwedera sezvo mauto eIsrael ave kugadzirira kupinda mudunhu reGaza. Israel iri kukandiranawo zvombo nechikwata cheHezbollah chiri muLebanon icho chiri kutsigira Hamas.

Lebanon Hezbollah

Iran inotsigira chikwata ichi iri kuyambira kuti hondo iyi inogona kupararira mudunhu reMiddle East. Asi mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vakatoyambira kuti dzimwe nyika dzinopindira muhondo iyi dzinenge dzazvisikira moto muziso.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRashweat Mukundu