Mutungamiri webato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vanoti hurumende nebato reZanu-PF ndivo vari kukonzera kusagadzikana munyika kuburikidza nekuda kukonzera zinyekenyeke mubato ravo.
VaChamisa vataura Studio 7 mashoko aya vachipindura zvange zvichitaurwa nevakafanobata chigaro chegurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika Muzvinafundo Amon Murwira.
Vati, “Munoziva ukafamba uchiti handisirini ndakaroya, munhu afa uyu handisirini ndakamuroya , wakutodura huroyi…vanoda mbodza yemutungami” (anopikisa) VaChamisa vati izvi zvakamboitwa nebato iri muna 2018 pakapatsananuka MDC Alliance asi vakati rwendo rwuno veZanu-PF vanyangira yaona.
Mumashoko kuvatori venhau ari mubepanhau reSunday Mail, VaMurwira vati zviri kuitika muCCC hazvine nemapazi hurumende vachiti hazvireve kuti Zimbabwe inyika isingatevedzeri bumbiro remitemo.
Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti VaMurewira vataura mashoko aya mushure mekushorwa zvakanyanya kweZimbabwe nedzimwe hurumende dziri muSADC nekunze nemawe masangano anopa rubatsiro rwemari akaita seWorld Bank neIMF. Vakawanda vanonzi vari kuti zvinonetsa kushanda neZimbabwe kana isingaremekedze kodzero dzevanhu.
VaChamisa vati sebato, vari kuronga kutorera matanho mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda avo vati vari kuisa zvido zvebato ravo reZanu-PF pamberi kudarika zvavakosungirwa kuita pamutemo. VaMudenda vakaudza Studio 7 kuti havana chekuita kunze kwekuzadzikisa chikumbiro chavaSengezo Tshabangu vari kuzviti munyori mukuru weCCC.
Asi VaChamisa vati VaTshabangu havamo muhutungamiri hwebato ravo asi vakatouyawo naVaAbednico Bhebhe.
VaTshabangu kunyangwe vasiri kudoma vakavasarudzo vanoti vane rutsigiro rwevamwe mubato iri. Nhengo gumi neshanu dzeCCC mudare reparamende, nemwe makanzura gumi nemanomwe uye maseneta akadzingwa naVaTshabangu zvakakatyamadza vakawanda pasi rose.
Your browser doesn’t support HTML5