Murairidzi weChikwata cheMaMighty Warriors Obvisiswa Mari yeChibatiro paMhosva Yaari Kupomerwa yeKumbunyikidza Mudzimai

  • Michael Kariati

VaShdreck Mlauzi

Muraridzi wechikwata chemaMighty Warriors Shadreck Mlauzi abvisiswa mari yechibatiso nemutongi wematare VaYeukai Dzuda kuti atongwe achibva kumba pamhosva mbiri dzaari kupomerwa.

Mlauzi abvisiswa mari inoita iyo mazana matatu emadhora emari yekuAmereka achinzi anofanira kudzoka kudare musi wa 27 Gumiguru.

Gweta remurairidzi wenhabvu uyu VaTalent Runganga vaudza Studio 7 kuti pamusoro pezvo,VaMlauzi vanzi nedare varipe magwaro avo ekufambisa uye vasavhiringidze zvapupu zvehurumende.

VaRunganga vazivisisa kuti vari kuenda kunobvisa mari yechibatiso iyi kuti Mlauzi asarare mutorongo zuva ranhasi sezvo aendwa naye nevanochengetedza vasungwa.

VaRunganga vanoti vafara nezvabuda mudare nekuti nemhando yemhosva dzaakatarisana nadzo vanga vaine chivimbo kuti murairidzi uyu achatongwa achibva kumba.

Mlauzi ari kupomerwa mhoswa mbiri dzekubata munhukadzi panzvimbo dzisingatenderwi vasina kubvumirana.

Zvinonzi musi wa 23 Gunyana maMighty Warriors aigara panzvimbo yePandari muHarare apo Mlauzi anonzi akakumbira Brenda Chaora kuti amutsvode uyezve ndokumukumbira kuti vaviri ava vaite zvebonde mushure mekunge Chaora aenda mumba maigara Mlauzi nezvebasa. Mlauzi anonzi akabata Chaora zvine simba pabendekete achida kumutsova asi Chaora akarwisa izvi.

Nyaya yechipiri inonzi yakaitikira kuSouth Africa mumba maigara Mlauzi pahotera apo Mlauzi anonzi akabata zvigariso zvaChaora apo aive amushevedzwa muhotera kuti azotora zvaida kushandiswa mugadziriro yemaMighty Warriors mumakundano avo eCosafa Cup.

Asi Mlauzi ari kuramba mhosva dzese idzi, VaRunganga vachitaura pavamire.

Chikwat chemaMighty Warriors chakapedza chiri pachInzvimbo chechina kuCosafa uku pasi peMalawi, Zambia, neMozambique. Malawi ndiyo yakatora mukombe uyu mushure mekuro Zambia 2-1 mufainari.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Michael Kariati