Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, svondo rino tine hurukuro naAmai Judith Mutamba vanogara mudunhu reMissouri muAmerica, uye vari sachigaro weboka remadzimai (RRW) ekuZimbabwe ari mukereke yeUnited Methodist Church mudunhu reNorth America.
Amai Mutamba, vanove mudzimai waMufundisi Doctor Webster Mutamba, mukupera kwesvondo rino vachange vachitungamira gungano reRuwadzano Rwe Wadzimai (RRW) repagore kumusangano wemazuva matatu uri kutanga neChishanu kuOrlando, mudunhu re Florida.
“Tiri kufara nekupembera nekuti sangano ratiri kuita kuCanterbury kuFlorida isangano rekutanga tichiita usu kuusu, tichionana nekuti vamwe hatisati tamboonana, vamwe tinosangana navo pama Zoom,” Amai Mutamba vanotsanangura.
Amai Mutamba vanoti musangano wavo wegore rino vari kutarisira vanhu vakawanda sezvo vanodarika zana vatonyoresa kare kuti vachange vari kuenda.
Vanoti munhu wese akasununguka, zvisineyi nekuti inhengo yekereke yavo here kana kuti kwete, uye kuti munhurume here kana kuti musikana.
Gore rino mutungamiri weRRW, Amai Greater Nhiwatiwa, vachange vachipinda nemadzimai kuFlorida, chiitiko chinonzi naAmai Mutamba, makomborero.
Magungano akadai anoshandiswawo zvakare kuunganidza mari dzekubatsira vanotambura, uye madzimai eRRW pamwe nekereke yeUnited Methodist vagarawo vachiita mabasa ekusimudzira machechi pamwe nekuendesa vanasikana kuzvikoro zvepamusoro.
Chikwata cheRRW muAmerica chakaumbwa muna 2020 asi nekuda kwedenda reCovid-19, madzimai akakwanisa kuita misangano kuburikidza nedandemutande reZoom.
Sangano remadzimai reRRW (Rukwadzano Rwe Wadzimai) rakatangwa muna 1929 richitungamirirwa nemadzimai evafundisi vechitema.
Mamwe emadzimai ane nhoroondo yekutanga sangano iri anosanganisira Amai Lydia Chimonyo.
Pamusoro pekukosha kwaro mukunamata pamwe nekuita misangano mikuru yekumutsiridzana mukutenda, sangano reRRW rinozivikanwawo nekusimudzira madzimai nevasinasikana.
Your browser doesn’t support HTML5